‘Murume anoda kundiuraya zvose nevana’

18 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
‘Murume anoda kundiuraya zvose nevana’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kugara akabatira hana yake mumaoko sezvo aimbove murume wake achiti anoda kumuuraya zvose nevana zvichitevera kurambana kwavakaita.

Privelage Muchemwa aendesa Clifford Nyanda kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvakanyanya nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Murume uyu aingogara achiti vana havasi vake ndokusaka ndakafunga kusiyana naye. Mumwe musi akauya pamba pangu ndokupaza gonhi remumba yokubikira ndokutanga kunetsana neni achindituka. Ndakanomhan’ara kuBudiriro Police vakatiraira kuti tiuye kuno kuzobatsirwa,” anodaro Muchemwa.

“Pamwe pacho anondiridzira nhare achindituka kana kutumira iri tsamba achiti anoda kundiuraya nevana nokuti vana vacho anoti havazi vake.”

Nyanda anoramba mashoko ari kutaurwa naMuchemwa achiti haana kubvira aita ruzha naye asi kuti anomurambidza kuona vana vake.

“Ndakamboenda kubasa kwake kuti tinzwisisane panhau yevana zvikaramba, akanditi ndaizoratidzwa vana nemunin’na wake asi munin’ina wacho akaramba achingopa zvikonzero kusvika vana vavhura zvikoro ndisina kuvaona. Ndakazopedzisira ndaenda kudare rinoona nezvevana tikapihwa zuva rekuti tizoenda munaGunyana 2023 nekudaro ndakashamisika kuona masamanisi egwaro redziviriro tisati taenda kudare revana,” anodaro Nyanda.

Mutongi Sharon Mashavira varasa chikumbiro chaMuchemwa chegwaro redziviriro vachiti haana kupa umbowo hunogutsa hwekushungurudzwa kwaanoti ari kuitwa naNyanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey