Uncategorized

Murume muporofita mukadzi ari n’anga

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Murume muporofita mukadzi ari n’anga

Kwayedza

N’ANGA inobva kuChipinge inoti hapana musiyano uripo pakati pen’anga nemaporofita ichiti vose vanhu ava vanoshandisa mweya mumwe chete pakushopera nekuporofita.Mbuya Sarah Sithole Pfidze (43) — avo vanoti vanosvikirwa nemidzimu mitanhatu — vanoti vakatanga vari muporofita mukuru vasati vave kuita zvehun’anga. Kuratidza kuti chiporofita nehun’anga zvinodyidzana sekutaura kwavo, Mbuya Pfidze vari kugara nekushandira vanhu pamwe chete nemurume wavo, VaNever Pfidze (51), uvo vanova muporofita.

“Maporofita nen’anga hazvina musiyano, mweya yavanoshandisa mimwe chete. Inongosandurwa zvishoma kana munhu ari muporofita nekungewo ari n’anga.

“Ini ndakatanga ndiri muporofita wemandiriri ndichipinda chechi dzakasiyana,” vanodaro.

Vanoti vakatorwa nenjuzu vari mudiki apo vaiva kumusha kwavo kuChipinge ndokuzotanga kunamata vakura apo vakaita muporofita wemandiriri.

Pari zvino murume muporofita nemudzimai n’anga ava vari kugara kuChitungwiza.

“Ndakaita makore akawanda ndiri mumachechi ndichiporofita zvikuru, kusvikira mweya waiva pandiri wakazoti waiva watateguru Vangu newenjuzu uyo waida kuti ndiite zvechivanhu.

Mbuya Pfidze vakapfeka gemenzi

Mbuya Pfidze vakapfeka gemenzi

“Ndakatevedzera izvi ndokuchitanga kuita zvehun’anga.”

Mbuya Pfidze vanoti muporofita anokwanisa kurotswa mishonga yechivanhu sezvavaiita ivo. Vanoti magemenzi avaipfeka vachiri muporofita vachinawo.

“Ndairotswa mishonga yechivanhu ndiri muporofita, ndichinotsvaga miti yacho ndichibatsira vanhu,” vanodaro Mbuya Pfidze.

Vanoti kana munhu ari n’anga, akatendeuka kunamata, anoita muporofita mukuru uye zvimwe chetezvo nemuporofita, akatanga kuita zvechivanhu anove chitopota chen’anga.

“Ndakazoroorwa naVaPfidze avo vane chechi yavo iyo ndakambopinda ndikaitawo muporofita wembiri,” vanodaro Mbuya Pfidze.

VaPfidze ndibishopu wechechi yeRujeko Apostolic iyo yavanotungamira.

“Murume wangu anoita zvechiporofita tichigara tose ini ndichiita zvehun’anga. Vanhu vanouya vachibatsirwa neni pamwe chete nemurume wangu. Pakuporofita nekufembera, tose takaenzana pamasimba,” vanodaro Mbuya Pfidze.

Vanoti hapana chinonetsa pakurarama kwavo kwekuti murume wavo muporofita ivo vari n’anga.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPfidze vachiti hapana chinomboshamisa kuti ivo muporofita uyuwo mudzimai wavo in’anga.

“Kubva patakaroorana mugore ra1989, tiri kushanda zvakanaka zvikuru mubasa rekuporesa ruzhinji,” vanodaro VaPfidze.

Vanoti vanokwanisa kuenda kunoswera kumasowe apo mudzimai wavo anenge achiita matare nevanenge vachida kushandirwa.

“Ini ndini muridzi uye mukuru wechechi yeRujeko asi handishore n’anga kana mamwe maporofita nekuti mweya watinoshandisa mumwe chete,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey