‘Murume ndewedu tose’ 

26 Jan, 2024 - 16:01 0 Views
‘Murume ndewedu tose’  Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kugara akabatira hana mumaoko nekuda kwemashoko anotaurwa ne”shamwarikadzi” yemurume wake ekuti hupenyu hwake huri mumaoko ake.

Maggy Chipuriro akazvuzvurudzira Lucia Chitake kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro achiti ari kumushungurudza zvakanyanya.

“Mudzimai uyu anodanana nemurume wangu, mumwe musi akatumira mashoko panhare pangu achiti ndichatambura muhupenyu hwose nekuti huri mumaoko ake uye ane zvinhu zvangu zvese zvaanofunga kuti ndezvake. Ndiri kushaya kuti zvinorevei saka ndave kutyira hupenyu hwangu,” anodaro Chipuripo.

Achipawo divi rake, Chitake anoti murume ari kutaurwa nezvake ndewakewo sezvo akatororwa.

“Murume ari kutaurwa uyu murume wanguwo nekuti ndakatobvisirwawo mari uye apo ndakadanana naye aiti haana mukadzi tikasvika pakuita mwana. Pandakazoziva kuti ane mukadzi takanotaurirana naye, kutaura kuno tinowirirana,” anodaro Chitake.

Mutongi Tamara Chibindi vakarasa chikumbiro chaChipuripo chegwaro redziviriro vachiti haana kukwanisa kupa umboo hunogutsa dare hwekushungurudzwa kwaanoti ari kuitwa naChitake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey