Uncategorized

Murume obatwa chibharo nezvidhoma

05 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Murume obatwa chibharo nezvidhoma Everlist Chin'amba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anoshanda papurazi reDrummond riri kuLydiate, kuNorton anoti aoneswa nhamo kubatwa chibharo nezvinhu zvaanoti zvipoko zvechikadzi uye nevamwe vapenyu avo vari kumubhinya pamadiro.

Sezvinonzi kumbunyikidzwa nezvinhu izvi kushoma, anotiwo midziyo yake yakaita sematerevhizheni nemaredhiyo inobatidzwa nekudzimwa nezvinhu izvi, uku zvichimubvutira chikafu. VaEverlist Chin’amba (50) —avo vanobva kuMalawi uye vakazovakira kwaMambo Chanetsa, kuKaroi kuHurungwe – vanoti havana rugare nekubatwa chibharo nezvipoko zvemadzimai izvi.

“Ndaneta kubatwa chibharo nemadzimai, asi vanonyanya vaviri avo vandaimboshanda navo. Handichaziva kwavakaenda asi vamwe vanonditi vapenyu vamwewo vachiti vakafa.
“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2012 pandakabva kupurazi rekuNyabira ndava kuuya kuzoshandira kuno kuDrummond,” vanodaro VaChin’amba.

Murume uyu, uyo akaroora uye ane vana 4, anoti dambudziko iri rakatanga achifudza mombe apo paanoti akangoerekana ave kuona mudzimai aive asina kupfeka akamutarisa.

“Pandakangotanga kuona mudzimai uyu aiva asina kupfeka ndiri musango, akazotanga kuuya achishereketa neni panguva yandinoda kuita bonde navadzimai vangu. Madzimai aya akazotanga kuuya akawanda, vanotosvika 20 kana kudarika avo vanondichinjana. Dzimwe nguva vanopinda mumba mangu nepahwindo vachiita zvekuzvipotsera votanga kushinha neni,” vanodaro VaChin’amba.
Murume uyu anoti nekuda kwedambudziko iri, haachakwanisa kuita bonde nemudzimai wake sezvo achishaya simba, iro rinouya chete kana achidanana nezvipoko izvi.

“Dambudziko rangu rakura, varoyi vanouyawo vachipinda mumba mangu nepahwindo ndirere navadzimai vangu vozara mumba – varume nemadzimai. Dzimwe nguva vanoungana pachivanze uye vanhu ava vanondirova zvakare nezvibhakera nembama pasina munhu anotaura neni,” vanodaro VaChin’amba.

Murume uyu anoti zvinoitika izvi anozviona oga uye akabvunza mudzimai wake haaone madzimai anouya achirara naye aya.

“Mudzimai anouya akatungamirira mamwe madzimai aya kuzorara neni anenge akapfeka wigi kana madreads mumusoro ari mutsvuku,” vanodaro VaChin’amba.
Murume uyu anoti rimwe dambudziko raainaro kutorerwa chikafu chaanenge achidya zvinoita kuti asare aine nzara.

“Imwe nhamo yangu huru ndinogara nenzara sezvo ndichitorerwa kudya mumaoko nezvinhu izvi, ndinobvutirwa sadza neusavi ndosara nenzara.
“Zvinhu izvi zvinonyanya kutora nyama zvekuti ndinosara ndodya nemuto asi dzimwe nguva zvinotora zvose nesadza,” vanodaro VaChin’amba.

Vanoti magirosari mumba anotorwa zvakare.
“Handina mishonga yandakambobata mukurarama kwangu, ndinofunga kuti kuroyiwa nekuti kune vamwe vaigara vakandimaka kwandaimboshanda kuNyabira. Kwese kwandinofamba ndinonzi ndine dambudziko rinoda kubatsirwa,” vanodaro VaChin’amba.

Murume uyu anoti zvakare midziyo yake yemumba inosanganisira materevhizheni, maredhiyo nezvimwe zvinobatidzwa nekudzimwa nemunhu waasingaone.

“Ndaona nhamo veduwe, ndinoda kubatsirwa nevanhu vanogona padambudziko rangu iri. Kune vanoda kundibatsira vanondibata panhare dzinoti 0777 189 487,” vanodaro VaChin’amba.
Murume uyu akada kutiza paaitaura neKwayedza achiti madzimai anoshereketa naya vakanga vamuvinga panzvimbo yavaikurukurwa naye.Mudzimai waVaChin’amba haana kuonekwa kuti apewo tsanangudzo yake nekuda kwematambudziko avari kusangana nawo.

Votaura nezviri kuitika kumurume uyu, Sekuru Shumba VaRayton Munonoki (43) vemuHarare – avo vanoita zvechivanhu – vanoti murume uyu anoda kubatsirwa sezvo achigona kunge akaberekeswa zvidhoma.“Zvaanoona izvi havasi vanhu, zvidhoma zvinopfeka zviso zvevanhu vaanoziva. Ivo baba ava ngavataurewo chokwadi, pamwe vakaromba,” vanodaro Sekuru Shumba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey