Murume osarudza kurara mu’garden’ pane mumba mune mudzimai

04 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
Murume osarudza kurara mu’garden’ pane mumba mune mudzimai Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wekuDomboshava anoti ari kuoneswa ndondo nekugara achizvambaradzwa kurohwa nemudzimai wake uyo ane katsika kekupisa mbatya dzake uye kudzura muriwo nechibage kana agumbuka.

Farai Kashambwa audza dare reHarare Civil Court kuti mudzimai wake, Rufaro Nyama, anogara achimurwisa pavanenge vachida kuronga zvemumba mavo.

“Hatichatogoni kuita hurukuro dzezvinodiwa mumba pasina kukakavadzana kana kurovana, tinotozodziviswa nevavakidzani kana neshamwari. Kutaura kuno, akapisa mbatya dzangu uye dzimwe dzacho akabvarura saka dzake ndave kuita saizvozvo uye anodzura muriwo nechibage kana agumbuka.

“Mayunifomu nebhutsu dzekubasa akahwandisa, pedzezvo anouya kuzoita ruzha kubasa kwangu,” anodaro Kashambwa.

Anoti vave nemakore mashanu vasina kufadzana semurume nemukadzi wake.

“Tatove nemakore mashanu pasina nekuti anoti ndakamupa chirwere nekudaro ave kundisema,” anodaro Kashambwa.

Nyama anoramba mashoko ari kutaurwa nemurume wake achiti ndiye akati haachadi nezvake nekuti paakabudirwa nemweya wekumasowe wakamuudza kuti mukadzi “itsvina”.

“Baba ava vanorara mugomo, pavanenge vasiri mugomo vanorara mubindu remuriwo,” anodaro Nyama.

“Mukoma wake vakatombobvunzawo kuti sei achidaro, akavaudza zvakare kuti mweya wakati itsvina kusangana nemukadzi nekuti ave pedyo nekuporofita. Ndiri kushamisika kuti auya kuzonyepa mudare muno,” anodaro.

Nyama anotiwo murume wake ndiye anotomurova saka iye anozodzoserawo.

Anoti Kashambwa haadi kuchengeta vana kana kumupa mari yekuriritira mhuri uye vakamboenda kukamba yemapurisa ekunzvimbo kwavanogara vachida kuyayaniswa asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Mudzimai uyu anoti zvekare murume wake ndiye anomuzadza njovhera nekuti kubindu kwaanorara anenge achisasana neshamwarikadzi dzake.

Mutongi Sharon Mashavira vakurudzira vaviri ava kuti vatsvage vanachipangamazano vanokwanisa kuvayananisa, vangave vemumhuri dzavo, vekuchechi kana magweta.

Vapa Kashambwa gwaro redzivirio.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey