Murume oudza mukadzi kuti ‘tsvaga hako chikomba’

14 Feb, 2023 - 20:02 0 Views
Murume oudza mukadzi kuti ‘tsvaga hako chikomba’

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare anonzi ane katsika kekuudza aimbove mudzimai wake kuti atsvage chikomba chinochengeta mwana wake kana akafonerwa achibvunzwa mari yemendenenzi.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Samantha Magunje akamhan’arira Wilbert Gandiwa.

Magunje akaudza dare kuti Gandiwa haadi kuchengeta mwana wake uye kana akamufonera achibvunza mari anomuudza kuti atsvage chikomba chekudanana nacho achiti iye ari kumboita zvemhuri yake.

Magunje anoti anoda US$160 yemendenenzi pamwedzi kuti akwanise kutenga chikafu, kubhadhara rendi, mvura, magetsi pamwe chete nekutenga mishonga nehembe dzemwana.

“Murume uyu ane kombi inotakura vanhu uye inomupa US$1 900 pamwedzi. Akandivhara pafoni pake kuitira kuti ndikafona handikwanise kutaura naye.

“Anondiudza kuti tsvaga chikomba chikubatsire kuchengeta mwana iyeye nekuti haachadi kunzwa nezvangu sezvo aine imwe mhuri,” anodaro Magunje.

Achipawo divi rake, Gandiwa anoti haakwanise kubhadhara mari iri kudiwa naMagunje sezvo aine imwe mhuri yaanochengeta.

“Kombi yaari kutaura nezvayo yasakara, inogara yakafa uye haisi kundipa mari iri kutaurwa asi kuti ndinongowana US$700 pamwedzi. Ndine vamwe vana vashanu vandinochengeta uye mudzimai wandinaye anoda kuchengetwawo,” anodaro Gandiwa.

Mutongi Ayanda Dlamini vakati Gandiwa abhadhare US$60 pamwedzi pamwe nekutenga mbatya dzemwana katatu pagore uye nemishonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey