‘Murume wangu anondinwa ropa’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Murume wangu anondinwa ropa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI ane bhizimisi mumusha weArdbennie, muHarare, anoti murume wake “chibaba” chaicho pakushandisa mishonga yakaipa, izvo zvinoita kuti amuyamwe ropa kana kuti gazi pose paanenge achitevera — zvekusara achena.

Muzvinabhizimisi Lucia Chirombo (36), uyo ane chitoro panzvimbo yemabhizimisi yekuArdbennie, anoti asvika pakusiyana nemurume wake Leeman Gurupira (31) nekuda kwemaitiro ake aya.

Sezvinonzi zvekunwiwa ropa zvishoma, nemusi weMuvhuro svondo rino Chirombo akaita seachashaya musiwo wekubuda nawo muchitoro chake apo akangoona nyoka yava mumugomo waiva muchitoro chake.

Chitoro chaChirombo chinotengesa simbi nezvimwe zvinoshandiswa pamotokari uye ane dzimba mbiri — yekuArdbennie uko kwaanogara, neiri kuMbare.

“Murume wangu – Gurupira — takagara tose kwemakore 13 tikaita vana vaviri, zvisinei nekuti anga asina zvake kubvisa pfuma kuvabereki vangu. Zvino nyaya inondishamisa ndeyekuti anoda zvikuru kudya kana kunanzva ropa rangu apo ndinenge ndiri kunguva yangu. Anondinanzva oguma ave kudzvova,” anodaro Chirombo.

Leeman Gurupira

Zvisinei, Gurupira anoramba kuti anodya ropa raChirombo achiti mashoko emanyepo akananga kusvibisa zita rake.

Anotiwo mukadzi uyu ndiye akamuchekeresa ari mupenyu nechinangwa chekuti aite mari.

Vaviri ava vanofumurana Chirombo achiti pavainge vasati vasiyana naGurupira, dzimwe nguva — kunyangwe asiri kunguva yake — aingoti akasasana naye pabonde, aitanga kujuja ropa iro murume uyu aibva atanga kunanzva.

Gurupira anotsinhira zvekuti Chirombo anogumisira obuda ropa kana vakasasana vose muimba huru.

“Gurupira aiziva kunyangwe ari kure kwakadii, kuti ndave panguva yangu, obva adzoka kumba nekukurumidza. Akangopinda mumba bedzi, ndaibva ndapera simba iye otoita madiro neni . . .

“Kumwe kwandakafamba ndainzi iSatanism,” anodaro Chirombo.

Anoti mushure mekunge murume wake apedza kumudya ropa, “ndaizonzwa sendinorumwa-rumwa nemajuru kusikarudzi yangu” izvo zvinoitika kana dai nhasi uno.
Onai Vhidhiyo pasi

“Ndakazorambana naye kupera kwa2016 ndaona nhamo nekudyiwa ropa. Gurupira anoti akapihwa mhiko idzi nemumwe muporofita wenguwo tsvuku wekuChinhamo, mumugwagwa unobatanidza Harare neChitungwiza achinzi zvaizotipa mari yakawanda. Asi ini ndaisazvida nekuti kunze kwekuunza mari, akatodya mari yangu yakawanda.”

Chirombo anoti nyaya yekudyiwa ropa akaitanga mugore ra2014 uye kun’anga nemaporofita kwaanofamba anonzi murume uyu anoda kumuuraya.

Anotizve ane vamwe vana vaviri vaakaita nemurume wake wekutanga.

Chirombo anowedzera achiti vana vake vanorwara, mukuru wacho uyo waakaita nemurume wekutanga achirasika njere, izvi zvinomuita kuti apwanye zvinhu zvemuchitoro chake.

Kudai pasina kurwara, mwana uyu angadai achiita Form 4 uyewo mumwe mudiki ari Grade 3 anonzi ari kuramba kuenda kuchikoro achiswerombeya muguta reHarare.

Chirombo anoti zvakare mumwe mwana wake mudiki anodya madziro emba achitotekenuka seari kupazwa.

Sekutaura kwake, Chirombo anoti dambudziko rake harineyi nemurume wake wekutanga.

Gurupira, anodaro Chirombo, akamuparadzira zvinhu zvake zvinosanganisira zvemuchitoro uye akatora kombi neimwe motokari yake diki, izvo zvaari kushandisa.

Anoenderera mberi achiti vasati vasiyana naGurupira, aiwana mudzimba dzavo nemuchitoro makaiswa mishonga yechivanhu.

Mudzimai uyu anoti zvinoita sekuti hapana vanoda kumubatsira padambudziko rake iri, kusanganisira vehukama.

“Nhingi chaiye (achitaura zita rehama yake yepedyo) aiti akauya kuArdbennie, ndaimuwana husiku kana masikati achigezera panze pachivanze. Aizviita kana dai Gurupira aripo zvisinei nekuti munyarikani — asi ndine dzimba mbiri dzekugezera,” anodaro Chirombo.

Gurupira anotsinhira mashoko aya achiti akatomboonawo munyarikani wechikadzi uyu achigezera pakati pechivanze chavo, uyo akazotiza ari musvo.

Chirombo anotizve akamboisirwa muchetura mukudya neimwe yehama yake ndokuzonoponera kuchipatara.

Mudzimai uyu anoti anotya kuenda kumusha kwavo kuBocha, kwaMarange.

Anotiwo akabva mimba kaviri izvo zvaanoti zvaiitika mushure mekunge aona nyoka yaiuya ichizvuva vana mudumbu uye panguva iyi aiona zviso zvedzimwe hama dzake.

“Vana vangu vaitorwa nenyoka mudumbu ndichitoona. Izvozvi ndinorota ndichidhonzwa mwoyo nenyoka ndobva ndatanga kurwara nemwoyo,” anodaro.

Anoti zvakare pane mumwe muporofita akamuudza kuti aida kuurayiwa zvose nevana vake apo asina kuita mazuva vachibva vabheuka nemotokari nevana vakakuvara zvikuru.

Sezvinonzi mashura anoitika kwaari mashoma, Chirombo anoti pane nguva apo akaita tsvina ikabuda pamwe chete nenyoka huru iyo yakangotsakatika.

Gurupira, anodaro, haasi kuchengeta vana vake nekudaro akamuendera kumatare edzimhosva.

Asi Gurupira anoramba zvakawanda zvinotaurwa naChirombo, kunyanya zvekunzi aimudya ropa nekubata-bata mishonga yakaipa.

“Mashoko ose aya manyepo. Mukadzi uyu ane dambudziko, pamwe ava kupenga.Ndiye anobata mishonga uye ndezvekumba kwavo, ane nyora dzemishonga mumakumbo dzaakandiratidza,” Gurupira akaudza Kwayedza svondo rino.

Zvisinei, murume uyu anotsinhira kuti kana akasasana naChirombo muimba huru, anotanga kubuda ropa izvo anofungidzira kuti akagadzirwa nemamwe madzimai ane varume vaaidanana navo. “Chandinobvuma kubuda kwake ropa. Zvekunzi ndinodya ropa racho kunyepa.

“Ndakamuroora asina kana chinhu asi ndakazoshamisika kumuona otenga dzimba mburu munguva pfupi, ye$25 000 neye$75 000. Kwaakawana mari yacho kunotondinetsa,” anodaro Gurupira.

Murume uyu anorambawo zvakare mashoko ekuti akaenda kumuporofita wenguwo tsvuku akanopihwa mhiko dzekuita mari.

“Handichada kunzwa zvakawanda kubva kumukadzi uyu, ndakabuda mumba andiramba apo ndakatora gumbeze rimwe chete uye motokari nekombi ndakatenga ndoga,” anodaro.

Anoti izvozvi haana mari yekubhadhara rendi sezvo ari kugara mugaraji pane imwe imba iri kuHatfield, muHarare.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nedzimwe hama dzaChirombo kuti vapewo mativi avo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey