Kwayedza
Phillipa Mukome Chinhoi
MUDZIMAI wemuHarare anoti atambudzwa nemurume wake uyo ari kumupomera kuti ndiye akauraya mwana wavo aive nemakore maviri nemwedzi misere yekuberekwa.
Izvi zvabuda apo Vimbai Pande aendesa Freedom Mandigo kudare reHarare Civil Court achiti kubvira pakashaika mwana wavo uyu, ari kugara achimurova nekumutyisidzira nerufu.
“Ndakasvika pakudzokera kuvabereki vangu pamusaka pekushaya rugare mumba murume achiti ndini ndakauraya mwana,” anodaro Pande.
“Ndinokumbirawo dare murume uyu asasvika pamba pevabereki vangu nekubasa kwangu, ngaarege kuramba achindituka nekundipomera mhosva yandisina kupara.”
Mandigo haana kuenda kudare.
Mutongi Mandlenkosi Ndlovu vapa Pande gwaro redziviriro.