Uncategorized

Musangokwidza mitengo – CZR

20 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Musangokwidza  mitengo – CZR VaMutashu

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUKURU wesangano rinomiririra vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu vanoti veruzhinji havafanire kuvarairwa panyaya yekuzvidzivirira kubva kuchirwere chanetsa cheCovid-19 munguva yezororo reKirisimasi uye zvitoro ngazviregewo katsika kekungokwidza mitengo yezvinhu zvisina tsarukano.

VaMutashu vanoti sangano ravo rakataura nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) iro rakavimbisa kuti richabatsira vemabhizimisi nemakambani anogadzira zvinhu zvemuno nemari yekunze kuti vakwanise kuita mabasa avo nemazvo.

Vanoti iyi ndeimwe nzira yekuderedza kutenga kunoita vemabhizimisi mari yekunze pamusika wemukoto izvo zvinozoita kuti mitengo ikwire muzvitoro.

“Tiri kuti vezvitoro vasatore mukana wezororo reKirisimasi nekukwidza mitengo yezvinhu. Takataura neRBZ kuti ibatsire vari mumabhizimisi nemari yekunze.

“Vemabhizimisi vakatenga mari pamusika mutema zvinoita kuti mitengo yezvinhu muzvitoro ikwirewo,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti musika wemukoto uri kuramba uchikwira zviri kuita kuti pasava nekugadzikana kwemitengo yezvinhu munyika.

Zvisinei, vanoti kune vamwe vezvitoro vave kungokwidza mitengo zvisina tsarukano vachitora mukana uyu.

“Mimwe mitengo yava kungokwira zvisina chikonzero chiripo. Vamwe vezvitoro vanokwidza mitengo zvichienderana nenguva yavanoona kuti vanhu vazhinji vari kutenga. Apa vanenge vachida kutora mukana wekuita mari kuburikidza nekutenga zvakanyanya kwevanhu.

“Izvi hatizvikurudzire nekuti zvinokuvadza vatengi,” vanodaro.

VaMutashu vanoyambirawo zvakare veruzhinji kuti vasavarairwe munguva yezororo reKirisimasi sezvo denda reCovid-19 richiriko uye riri kubata vanhu vakawanda.

“Zororo harirevi kuti hakuchina denda iri. Veruzhinji ngavangwarire kuparadzira chirwere ichi mukusaziva. Vanhu ngavatevedze zvakatarwa neHurumende kuburikidza nemirawo yakaiswa nesangano rezveutano pasi rose reWorld Health Organisation yakadai sekuona kuti havana kuungana uye vakapfeka mamasiki nemazvo nekugeza maoko nguva dzose nemishonga yakagadzirirwa izvozvo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey