Uncategorized

Musashungurudze vakadzi vakafirwa: Chikukwa

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti vasambunyikidze shirikadzi nenzira dzakaita sekuvatorera upfumi hwavanenge vasiirwa nevarume vavo kana kuvamanikidza kuti vagarwe nhaka.Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika negurukota reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Mirriam Chikukwa, pamhemberero dzepasi rose dzezuva rekucherechedza kodzero dzeshirikadzi, reInternational Widows Day, muguta reHarare.

“Kufirwa haisi mhosva. Naizvozvo madzimai vanofanirwa kuziva kodzero dzavo, kunyanya panyaya dzeupfumi hunenge hwasiiwa navanababa,” vanodaro Cde Chikukwa.

Vanoenderera mberi vachiti madzimai anosangana nematambudziko akasiyana mushure mekufirwa nevarume.

“Zuva iri tinoripemberera kuti vanhu vagare vachiziva kuti kufirwa kwevanhukadzi hazvirevi kuti ndiko kupera kweupenyu. Ngatiregedzei kumbunyikidza madzimai akafirwa kuburikidza nezvakaita sekuvagara nhaka ivo vasingade,” vanodaro Cde Chikukwa.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wesangano reYOLK, VaGram Makwarimba, vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira upenyu hweshirikadzi.

“Donzvo redu ndere kuvandudza upenyu hwevanhukadzi vakafirwa nenzira dzakasiyana dzakaita sekuvapanga mazano pamwe nekuvabatsira mumabhindauko anovapa chouviri,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey