Mushandirapamwe wekusona zvipfeko zvemukati

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa MUSHANDIRAPAMWE wevanhukadzi nevanhurume wekwaChivi, kuMasvingo, woita zvinorova kuburikidza nebhindauko rekusona zvipfeko zvemukati zvakasiyana izvo zvinoenderana nedonzvo rekusimudzira mabasa emawoko. Shindi Mother’s Group mushandirapamwe uri kuvandudza kushambidzika kwevanasikana nemadzimai vekudunhu iri nekusona zvipfeko izvi. Vachitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika, sachigaro wechikwata ichi, Mai Constance Mhuriyengwe, vanoti vamwe vanasikana vanotadziswa kuenda kuchikoro nekuti panguva yavo yekutevera vanenge vasina zvipfeko zvekuti vashambidzike vari pane vamwe vana vechikoro izvo zvinodaidzwa kuti “mapads” pachiRungu. “Mwanasikana kana ava kutevera anofanira kugara aine “mapads”.

Idambudziko hombe kunyanya kuno kuvanasikana vekumaruwa. Vamwe vanototadza kuenda kuchikoro nekuti anenge asina zvinhu izvi. “Chikwata chedu chiri kubatsira vana vakadai nekusona zvipfeko zvemukati pamwe chete nekugadzira “mapads” anonzi ma”re-usables”. Mapads aya anokwanisa kushandisika kanodarika kamwe chete uye anoita kuti mwanasikana agare akashambidzika. Vamwe vanasikana vanenge vasina chero zvipfeko zvemukati chaizvo vachingofamba asi zvinokanganisa utano hwavo uye nhengo dzavo dzakavanzika hadzifaniri kugara dzichirohwa nemhepo. Isu tinoda kupedza dambudziko iroro,” vanodaro.

Mai Mhuriyengwe vanoti zvavanosona nekugadzira izvi vari kuzvitengesa nemitengo iri pasi zvikuru. Vanoti vari kubatsirwa muchirongwa ichi nemasangano akazvimirira ayo anosanganisira World Vision.

VaObadiah Sibanda, avo vanovewo nhengo yemushandirapamwe uyu, vanoti donzvo ravo guru ndere kusimudzira kushambidzika kwevanhukadzi. “Vamwe vana vedu vasikana kuno kumaruwa havawani mari uye vabereki vavo havavapi mari yakawanda nekuti vanenge vasinawo.

Zvakadaro isu sevabereki tinofanira kusimuka towana zvatingaita kuti vagare vaine zvipfeko zvinoita. “Ini semunhu wechirume ndinonzwa kuda kupinda mune izvi nekuti mwanasikana haasi waamai chete asi wevabereki vose kusanganisira nababa. Zvatiri kuita izvi kurerutsira vanasikana. Boka redu tiri kutarisira kuti richakura munyaya dzekusona idzi uye kuti tichawana rubatsiro chero kubva kune vemabhizimisi vemuno,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey