Uncategorized

Mushonga uripo, baiwai: President

14 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Mushonga uripo,  baiwai: President President Mnangagwa

Kwayedza

Freedom Mupanedemo

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti nyika ine mushonga wemajekiseni kana kuti nhomba wekudzivirira Covid-19 unokwanirana kuti munhu wose abaiwe, kusanganisira avo vanoda kubaiwa kechitatu zvichitevera kunyuka kwehutachiona hutsva hweOmicron variant.

Mushonga wemajekiseni wakawanda, vanodaro President Mnangagwa, wakatengwa pachishandiswa mari yakabva muZimbabwe kusiyana nenyika dzakawanda dzemuAfrica idzo dzakawana rubatsiro kubva World Bank neInternational Monetary Fund (IMF), pakati pemamwe mapoka anopa ruyamuro rwemari.

Vakataura mashoko aya apo vaivhura zviri pamutemo chiteshi chemabhazi cheKudzanayi Long Distance Bus Terminus chinokosha US$1,6 miriyoni kuGweru nemusi weMuvhuro.

“Pakatanga kunyuka hutachiona uhu, dzimwe nyika dzakawana rutsigiro kubva kuWorld Bank neIMF asi isu hapana chatakawana.

“Zvisinei, takakwaniswa kuunganidza zvekushandisa nekuti takati kunyangwe vachitida kana kuti vasingatide, utano hwedu nehwezvizvarwa zveZimbabwe hwakakosha uye zvisinei nezvimhingamipinyi, takakwanisa kutenga mushonga wenhomba unokwanirana,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti Zimbabwe imwe yenyika shanu dziri pamusoro muAfrica dzine majekiseni anokwanirana nehuwandu hwevanhu vari munyika imomo.

President Mnangagwa vanoti kunyuka kwehutachiona hwemhando yeOmicron variant nguva pfupi yadarika, kuri kuona huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huchikwira munyika muno.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vaende kunobaiwa nhomba kechitatu nehuwandu hwavo nechinangwa chekusimbaradza dziviriro kubva kuhutachiona hweOmicron variant kuitira kuti kana vakabatwa nedenda iri havazorwari zvakanyanya zvekupinda muchipatara.

President Mnangagwa vanoti nyanzvi dzezveutano dzinoti vanhu vakabiwa nhomba dzose dziri mbiri (1st dose ne2nd dose), kana vakabatwa nehutachiona hweOmicron variant havarware zvakanyanya.

Zimbabwe yakavamba chirongwa chekubaya nhomba vashandi vari pamberi, vanhu vane zvirwere zvinoisa upenyu hwavo panjodzi uye nevakwegura pakutanga kwaZvita gore rapera.

Kusvika nemusi weMuvhuro uno, vanhu 3 966 929 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 apo 2 988 370 vange vabaiwa ose ari maviri.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 172 012 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 129 951 vakatopona asi vamwe 4 740 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey