Mushonga uripo, endai mubaiwe

17 Dec, 2021 - 16:12 0 Views
Mushonga uripo,  endai mubaiwe Senator Monica Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

ZIMBABWE yakatambira mumwe mushonga wenhomba dzeCovid-19 unosvika majekiseni 2.5 miriyoni wemhando yeSinopharm vaccine kubva kunyika yeChina uye bazi rinoona nezvehomwe yenyika riri mushishi kushanda pamwe chete nereutano nekurerwa kwevana mukuona kuti mushonga uyu uripo unokwanirana nevanhu vose vanoda kubaiwa.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri svondo rapera, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti mamwe majekiseni 40 000 eCovaxin akavimbiswa kupihwa Zimbabwe neIndia ari kutarisirwa kusvika munyika.

“Panyaya yekuwanikwa kwemushonga wenhomba dzeCovid-19, majekiseni anosvika 2.5 miriyoni eSinopharm akasvika kubva kuChina mukati mesvondo. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana nerehomwe yenyika vari kuona kuti majekiseni aya aripo nechinangwa chekuti asaperevedze munyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hurumende inofara kuzivisa kuti nyika ine mushonga wenhomba unokwanirana kubaya zvizvarwa zvose zvemuZimbabwe. Muzinda unomirira India muno, sedanho rekuzadzikisa chivimbiso chavo chekupa majekiseni 40 000 emhando yeCovaxin, vatsinhira kuti anotarisirwa kusvika munyika nemusi wa16 Zvita 2021. Hurumende yeZimbabwe inotenda zvikuru nehushamwari uye kubatana kuripo neHurumende yeIndia,” vanodaro Sen Mutsvagwa.

Kusvika pari zvino, Vanhu vanosvika 3,9 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 apo vamwe 3 miriyoni vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

Zimbabwe yakwanisa kutenga mushonga wakawanda wenhomba dzekudzivirira Covid-19 ichishandisa mari yayo pasina rubatsiro rwemapoka anoyamura nemari akadai seWorld Bank neInternational Monetary Fund (IMF) kusiyana nedzimwe nyika dzemuAfrica idzo dziri kubatsirwa.

Mutungamiri wenyika President Mnangagwa, vanoti zvinofadza zvikuru kuona kuti nyika ino yakwanisa kutenga mushonga wemajekiseni wakawanda pachishandiswa mari yakabva muZimbabwe.

Vachitaura apo vaivhura zviri pamutemo chiteshi chemabhazi cheKudzanayi Long Distance Bus Terminus chinokosha US$1,6 miriyoni kuGweru nemusi weMuvhuro, President Mnangagwa vanoti nyika ine mushonga wenhomba unokwanirana nevanhu vose, kusanganisira vanoda kubaiwa majekiseni echitatu.

“Pakatanga kunyuka hutachiona uhu, dzimwe nyika dzakawana rutsigiro kubva kuWorld Bank neIMF asi isu hapana chatakawana.

“Zvisinei, takwaniswa kuunganidza zvekushandisa nekuti takati kunyangwe vachitida kana kuti vasingatide, utano hwedu nehwezvizvarwa zveZimbabwe hwakakosha uye zvisinei nezvimhingamipinyi, takakwanisa kutenga mushonga wenhomba unokwanirana,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti Zimbabwe imwe yenyika shanu dziri pamusoro muAfrica dzine majekiseni anokwanirana nehuwandu hwevanhu vari munyika imomo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey