Musikana anoshanda mumba aba US$7.5k

25 Sep, 2023 - 13:09 0 Views
Musikana anoshanda mumba aba US$7.5k US$

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUSIKANA ane makore 23 okuberekwa anogara kuChitungwiza uyo aishanda basa remumba ndokubira mushandirwi wake anove shamwari yake yaakadzidza nayo US$7 500 yaive muchigaba chinochengeterwa mari (safe box), ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaaitwa kugara mujeri kwemwedzi 24 nedare reko.

Mutongi Winfilda Tiyatara vedare reChitungwiza Magistrate Courts vazobvisira Nyaradzai Katsomba wekuChisumbe New Stands, kuUnit L, Chitungwiza, mwedzi mitanhatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Vaenderera mberi nekumubvisira mwedzi mina nechitsidzo chekuti anofanira kudzorera mumhan’ari US$4 050 yainge yasara pamari yakazowanikwa mukuferefeta kwakaitwa nyaya iyi nemapurisa.

Mwedzi gumi nemina yange yasara pachirango ichi yasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti Katsomba anofanira kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 490.

Atongwa nemhosva yekushandisa mari isiri yake (Money Laundering as Defined in Section 63 (1) of the Serious Offenses Confiscation of Profits Act).

Katsomba akapinzwa basa neshamwari yake yaakadzidza nayo, Faustina Chimukombe (22), uyo waakazobira mari iyi wepanhamba 29617 Unit K apo aishanda achidzokera kumba kwake munguva dzemanheru.

Katsomba akatanga kushandira Chimukombe nemurume wake, Benjamin Muzvozviona (34), kubvira munaZvita 2022 kusvika nemusi wa20 Kukadzi 2023 apo paakatora mukana wekuba US$7 500 yaive muchigaba umo yaichengeterwa uye neUS$1 500 yaive mukapepa.

“Katsomba munhu wandakadzidza naye kusekondari saka ndakasarudza kumupa basa pamba pangu apo aishanda kubva mangwanani achizoenda kumba kwake manheru. Aitsvaira dzimba dzose, kusanganisira mubhedhuru medu maive nemari iyi yaigara muwadhiropu uye makiyi ewadhiropu aigara akarembera ipapo.

“Rimwe zuva, murume wangu paakanga ave kuda kuisa imwe mari mukabhokisi kaye ndipo paakanzwa kadzikira huremu ndokutarisa achibva aona kuti kainge kakavhurwa uye mainge mangosara madhora mapfumbamwe, imwe mari yese yaenda,” anodaro Chimukombe.

Anoti vakanomhan’ara kumapurisa saka Katsomba paakazouya kubasa munguva dzemangwanani semazuva ese, vakamubvunza achibva abvuma kuti ndiye akaba mari yacho.

Katsomba akabvuma kuratidza Chimukombe kumba kwake uko ainge akaviga imwe mari yaisvika US$949.

Muzvozviona audza dare kuti aigara achiisa US$300 pasvondo mukabhokisi ako vaichengetera mari asi akazoshamisika kuona masara US$9 bedzi mushure mekunzwa kudzikira kwehuremu hwako.

Matikitivha mukuferefeta kwavakaita nyaya iyi, vakadzidza zvekare kuti Katsomba ainge akatenga midziyo inosanganisira masolar panel maviri, bhatiri resolar, kitchen unit, masofa, magumbeze, bhasikoro, DStv decorder, mahand bag maviri, nharembozha, tafura, push tray nembatya achishandisa mari yaainge aba.

Midziyo nemari zvakawanikwa zvakaburitswa mudare seumbowo.

Muchuchisi Malvin Mwendera ndivo vakaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey