Uncategorized

Musikana ari kushaikwa

16 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Musikana ari kushaikwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe, kudunhu reMidlands vari kutsvaga musikana ane makore 18 uyo anonzi akangoshaikwa.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Ethel Mukwende, vanoti Tanaka Shumba wepaPlot 21 B kuChicago, kuKwekwe akashaikwa nemusi wa22 Gumiguru gore rino.

“Mapurisa ekuKwekwe vari kutsvaga musikana wemakore 18 anonzi Tanaka Shumba uyo akapedzisira kuonekwa akapfeka skirt nhema nemaslippers matema uyewo netop yemavara matsvuku nemachena,” vanodaro Insp Mukwende.

Kune vanoziva nezvemusikana uyu vanokurudzirwa kuzivisa mukuru wemapurisa wekamba yeKwekwe Central, Assistant Inspector Chipowera, panhamba dzinoti 0773 022 577, dzeWhatsApp dzinoti 0712 800 197 kana mapurisa ari pedyo navo.

Insp Mukwende vanoti zvichitevera kuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kungoshaikwa munyika, zvakakosha kuti vabereki nevamwe vanogara nevana vazive mafambiro avo nguva dzose.

“Taita dambudziko revana vanongoshaikwa, saka tinokurudzira vanogara nevana kuti vazive kwese kwavanoenda uye kana vaine nzendo vafambe vakawanda,” vanodaro Insp Mukwende.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey