Musungwa akarova gadhijeri mu’court’

18 Sep, 2023 - 16:09 0 Views
Musungwa akarova gadhijeri mu’court’ Ngetani

Kwayedza

Danisa Masuku

MUSUNGWA wekurova mugadhijeri mudare redzimhosva pamberi pemutongi ndokuzobuda achitiza uye kuedza kusvetuka nepamusoro peruzhowa (fenzi) yakakomberedza matare kuKezi, kuMatobo, kudunhu reMatabeleland South, akaigochera pautsi sezvo akabatwa ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi 11 izere.

Banele Ncube (19) akamiswa pamberi pemutongi wedare reKezi, VaBusani Sibanda, achitarisana nemhosva mbiri dzekurova uye kutiza muhusungwa zviri pamutemo.

Anobvuma mhosva dzose dziri mbiri.

Pamhosva yekutanga yekurova, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu isati yawedzerwa memimwe mwedzi mitanhatu iyo yakambomiswa pamhosva yaakambopara.

Nekuda kwekutiza kubva muhusungwa zviri pamutemo, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu.

Mwedzi mumwe chete wechirango ichi wakambosendekwa kwemakore mashanu nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu.

Ncube achagara mujeri kwemwedzi gumi nemumwe izere.

Mukutura mutongo uyu, VaSibanda vakazeya nyaya yekuti mhosva yaNcube yakakura nekudaro panodawo chirango chakasimba.

Vanoti mutongo wekuti Ncube agare mujeri wakakodzera.

Dare rinotiwo Ncube akarizvidza apo akakava uye kurova nechibhakera mugadhijeri pamberi pemutongi saka anofanirwa kurangwa zvakaomarara kuitira kuti adzidze kugadzirisa hunhu hwake.

VaSibanda vanoti Ncube ari kuramba achipara mhosva dzakasiyana zvinoratidza kuti haadi kukura zvinoenderana nezera rake rekuberekwa.

Dare rinoti nemusi wa6 Gunyana gore rino, Praymore Mhlanga akakwira motokari yerudzi rweHonda Fit yaityairwa naNcube kubva kuBango Business Centre, kuKezi, kuenda kuMaphisa ndokumuudza kuti aive neUS$100.

Pavakasvika kuMaphisa, Ncube akakumbira mari yake apo Mhlanga akamuudza kuti anoda kumbotsvaga chenji uye izvi hazvina kufadza Ncube uyo akabva amubata ndokumuburitsa mumota asati amurova chibhakera nekumukava.

Mhlanga akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Ncube asungwe.

Pamhosva iyoyo ndipo paakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12 apo mwedzi mitanhatu yakambomiswa paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yakadai mukati memakore mashanu.

Mwedzi mitanhatu yaive yasara yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anonofondoka pasina muripo kwemaawa 210 achiita mabasa emunharaunda.

Ncude haana kutevedzera chirango chedare ichi chekushanda munharaunda izvo zvakaita asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey