
Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Karate Union riri mushishi kuronga mutambo weAnnual Japanese Ambassador Cup uyo uchaona shasha dzinosvika 300 dzinobva kumapurovhinzi akasiyana dzichibandana mumakwishu aya.
Mutambo uyu, uyo uchaitwa nemusi wa30 Gunyana, uchashandiswa neZKU kuumba chikwata chevatambi icho vanoda kuzotumira kunokwikwidza kumitambo yakasiyana kuSouth Africa nekuJapan.
Mutambo weJapanese Ambassador Cup uyu unotevera we4th IKO Nakamura Zimbabwe Champ of Champs uyo wakarongwa neZKU nguva pfupi ichangodarika.
Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Karate Union – Sensei Tawanda Mufundisi – anoti mutambo wekarate uri kukura munyika izvo zviri kuvatuma sesangano kuti varonge mitambo yakawanda.
Anoti gadziriro dzemutambo weJapanese Ambassadors Cup dziri kufamba zvakanaka uye vanotarisira kuti kuchauya shasha dzepamusoro kuzokwikwidza.
“Zvichitevera mutambo wakadarika watakaronga weIKO Nakamura Zimbabwe Champ of Champs, tadzoka zvekare neweJapanese Ambassadors Cup uyo tiri kuronga kuti ugoitwa mwedzi uno.
“Tiri kutarisira vatambi 300 vachauya kuzokwikwidza kubva kumapurovhinzi akasiyana uye pamutambo uyu tichaumba chikwata chedu icho tichazotumira kunokwikwidza kuSouth Africa nekuJapan nguva pfupi inotevera,” anodaro Sensei Mufundisi.
Panopera mutambo uyu vasati vaenda kuSouth Africa, Sensei Mufundisi anoti vacharonga mumwe mutambo wekuwedzera nyembe dzevatambi weIKO Nakamura Dan Grading.
Pamutambo uyu, vatambi vanenge vachirwira kuwedzeredzwa nyembe dzekarate izvo zvinozovabatsira kuti vakwikwidze kumitambo yakasiyana pamwe nekupihwa mucherechedzo wechiremerera.
“Tine mutambo wekuwedzera nyembe uyo tiri kuronga zvekare mwedzi iri kutevera. Tichaita mutambo weIKO Nakamura Grading apo vatambi vekarate vachatamba mitambo yekuwedzera nyembe dzavo,” anodaro Sensei Mufundisi.