Uncategorized

Mutemo wemendenenzi

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IBASA revabereki kuti vange vachichengeta vana nekuvatsigira munyaya yemari nezvimwe zvakadai sekudya, pekugara nekuvawanisa fundo. Mutemo weMantainance Act Chapter 5:09 ndiwo unotevedzerwa muZimbabwe. Varume vane kodzerowo yekureva mendenenzi, semuenzaniso kana vana vachinge vachigara nababa. Ikodzero yemubereki wose kuchengeta vana.

Mendenenzi inobhadharwa kuvana vari pasi pemakore 18 ekuberekwa vasati vave kukwanisa kuzviriritira vega. Mubereki anenge ari kuchengeta vana ndiye ane kodzero yekureva mari yemendenenzi.

Mwana ane makore 18 asati ave kuzvishandira anokwanisa kureva mendenenzi akazvimiririra. Anogona kuita izvi kuburikidza nematare edzimhosva eMagistrates’ Courts kana kuti emadzishe zvichienderanha nemamiriro ezvinhu.

Vanhu vakawanda vanofunga kuti munhu anogona kukundikana kureva mendenenzi asina magwaro ekuzvarwa zvinova zvisiri izvo. Murevi wemendenenzi anofanira kubudisa magwaro ekutambira mari emunhu waari kurevera mendenenzi mudare kana achinge aripo, marisiti emari yechikoro yaanobhadhara nemamwe magwaro  anoratidza mawaniro anoita munhu ari kureverwa mendenenzi mari.

Mumhan’ari anofanira kunge akavhura akaundi kubanga munova munozoiswa mari yemendenenzi. Mukureva mendenenzi, panofanira zvakare kutaurwa zvinhu zvinodiwa muraramo yevana vari kuda kuchengetwa nehuwandu hwavo. Uyewo kuti munhu ari kureverwa mendenenzi anokwanisa here kuchengeta vana vacho nemhando yebasa raanoshanda. Mutongi wenyaya ndiye anozoona kuti nyakumhan’arirwa anobhadhara marii achitarisa zvinhu zvakakosha mukuchengetwa kwakanaka kwevana zvinova zvinofambirana nebumbiro remutemo weZimbabwe.

Zvii zvinozoitika kana mari yezvinhu zvinoshandiswa nevana zvichinge zvawedzera kana kuti mari inowanikwa nemuchengeti ichinge yaderera? Mendenenzi inogona kukwira kana kudzikiswa zvichibva kumativi ose.

Chikamu cheSection 24 chemutemo wemendenenzi chinosungira munhu anenge asina kutevedza mutongo wedare remendenenzi kutemerwa chirango chekubvisa faindi kana kuti kugara mujeri kwemwedzi isingadariki mitatu kana zvose. Mumwe anogona kupa chikumbiro chekuti mari yemendenenzi iyi inge ichitorwa kubva pamari yepeyi yemumhan’arirwi. Pane mukana zvakare wekuti munhu ange achikumbira kuti mari iyi inge ichikwidzwa kana mumhan’arirwi achinge ave kuenda kumudyandigere apo anenge ave kupihwa mari yake yose.

Mutemo wemendenenzi uriko uye madzimai  ndiwo anosangana nematambudziko mazhinji kana vachireva mendenenzi. Nekuda kwekunetsa kwezvinhu munyika, vanhu vakawanda vari kutarisana nematanbudziko apo nyakumha’arirwa anenge asiri kushanda kuti awane mari yekuchengeta mhuri kana kuti munhan’arirwi asingaonekwi paanogara sevamwe vanoshanda kunze kwenyika. Mutemo wemendenenzi unoti mwana wose anofanira kuchengetwa muZimbabwe. Ngatibatanei mukutsigira chirongwa ichi tichikoshesa zvinhu zvinodiwa nevana zvisinei nekuti vabereki vari kutadzirana zvakadii mukurarama. Vana ndivo nhaka yeremangwana renyika.

Zvinyorwa zvino zvakabva kunaFiso Ncube (Transformative Justice Department)

Kana muine mibvunzo nezvimwe zvamungade kuziva tumirai padandemutande rinoti [email protected] kana panhamba dzeWhatsApp dzinoti 0777 828 201, tinokubatsira. Panyaya dzemhirizhonga tifonerei panhamba  dzinoti 08080131: hotlines 0776 736 873 kana 0782 900 900

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey