Uncategorized

Mutumba wemotokari: Zvino ndodii?

12 Dec, 2014 - 20:12 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
VATYAIRI vazhinji vanoshaya pekubata apo vanosangana nemutumba wemotokari pamugwagwa. Vamwe vanopererwa, vamwe zvekutozopinda mutsaona. Vakuru vakati “Kuziva mbuya huudzwa.” Chinyorwa chino chine chinangwa chekudzidzisa mutyairi upi neupi zvake anofamba pamugwagwa.

Mutumba wemotokari chii?

Mutumba wemotokari imotokari imwe kana mubatanidzwa wemota zhinji dzinopfuura zvakatarwa pamutemo kana tichitarisa huremu kana kureba kwadzo.

Izvi zvinosanganisirawo kufara kwemotokari idzodzo.

Motokari idzodzo dzinosungirwa kunyorwa kuti “ABNORMAL LOAD” nemavara matsvuku uye dziine mireza mitsvuku negetsi dzvuku rinoti vai-vai.

Pamutemo dzinonzizve dzibatidze magetsi kunyangwe masikati machena.

Mota idzi dzinotakureyi?

Mutumba wemotokari unotakudzwa chinhu chakafara, chakarebesa kungava kuenda mberi kana zvichida kuenda mudenga.

Zvadaro mota iyoyo inosangana nematambudziko akasiyayana seanotevera:

Pakufara: Zvakatakurwa zvinopfuurira kufara kwemotokari yakatakura.

Zvinoreva kuti mugwagwa unova mudiki. Mafafitera anoonesa zviri kumashure anenge asisashande nekudaro mutyairi wemota iyi haana zvaachaona shure kwake.

Nemakuriro anenge akaita mota iyi zvinoreva kuti yototyairwa yakatanangira mugwagwa kuti isagume miti nezvikwangwani zvemumigwagwa.

Kupindira uye kupesana nemota yakadai idambudziko guru.

Motokari iyoyi chero isina kutakudzwa inenge yakangozvifarira zvayo.

Pakureba kuenda mberi: Mutumba wemotokari unoreba kupfuura dzimwe.

Kupindira mota yakadai kunotora nguva yakareba kupfuura motawo zvadzo.

Kana ichida kukona mutyairi anotoona kuti yatanangira mugwagwa.

Pakureba kuenda mudenga: Zvakatakurwa nemutumba wemota zvinogona kuhakira tambo dzemagetsi kana dzefoni.

Mota idzodzo hadzikwani pamipata. Kufamba kwadzo manhenda nekuti dzinondengendeka.

Kufamba kwadzo: Mota idzi hadzifambi dzoga asi kuti dzinotungamirirwa mberi semwenga. Pamberi kana shure kwadzo panofamba nhungamiri yemutumba wemota iine chikwangwani chakanzi “ABNORMAL VEHICLE AHEAD” nemirezawo mitsvuku pamwe negetsi dzvuku.

Basa remutyairi wemota iyi nderekuyambira ani nani zvake kuti hokoyo nenyatwa iyo.

Ndiye anoyambira vari kuuya nezvemutumba iwoyo.

Anozivisawo mutyairi wemutumba nezvenjodzi ingawira motokari iyoyo maringe nezviri pamugwagwa uri mberi zvakaita setambo dziri muchadenga dzingangohakirwa.

Mutyairi uyu anofanirwa kupfeka zvinopenya-penya uye haasiyane nemureza wake mutsvuku.

Zvekungwarira:

Kusangana nemutumba –: Apa unotofanirwa kudzikama. Ukangoona nhungamiri yemutumba wemota pomhodza mota yako wakagadzirira kuzomira.

Paunozongoti ba mutumba wemotokari buda mumugwagwa zvachose.

Siya zvako iende iwe wozoenderera nerwendo kwanaka.

Kupindira –: Tambonyora kuti mutyairi wemutumba haafi akakuona mufafitera. Ukangopindira nje unopinda munataisireva. Unotodzikama kusvikira nhungamiri yati ose machena.

Pazambuko –: Mutumba wemotokari unotanangira zambuko nemhaka yekuti ungabhongodze zambuko pakasara pasina chiripo. Kana wananga zambuko woona mutumba wemotokari chibva watsambuka wotomira hako. Ramba wakamira kusvika yadarika.

Pamikwidza –: Kana ukaona nhungamiri yemutumba wemota wave kusvika pamikwidza, usavhetemese mota asi kuti buda mumugwagwa. Usade kuedza kupinda pamukwidza sezvo unozoshama wapinda muna taisireva.

Pakamonyoroka –: Ukaona pakamonyoroka pachibuda mota yenhungamiri chibva watongwarira. Buda mumugwagwa nekuti mutumba wemotokari unovharira mareni ose saka hamukwanipo mose.

Pamudzikiswa –: Mutumba wemota unogona kusundwa nematero saka ukananaira uri pamberi unogona kupedzwa nechakapedza mbudzi.

Vatyairi vose vanokurudzirwa kuti vangwarire mota idzi nekuti kuita makwikwi nadzo hatibudirire, tinokundwa uye anotozova mazvokuda mavanga enyora.

Kusatenda huroyi –: Munyori uno anoda kutenda VaOsborne Bhunu nehurukuro yatakaita vachipa umboo maererano nemutumba wemota.

VaBhunu mutyairi wemutumba wemota idzi vachishandira Joni asi vachidarika nemuZimbabwe nguva nenguva.

Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey