Muza akabura zvitsva

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Muza akabura zvitsva

Kwayedza

SHASHA yemitambo yemadhirama, Weakin Muza (34), akabura mutambo mutsva unonzi Zvinotapira Zvinovava uyo une dzidziso yekuti vanhu vanofanira kugutsikana nezvinhu zvavainazvo pakurarama kwavo, kwete kuchiva zvevamwe.

“Ndinonyora madhirama kubudikidza nezvandinoona mukurarama. Mutambo wangu mutsva uyu – Zvinotapira Zvinovava – unodzidzisa  vanhu kuti vachengetedze zvavainazvo muhupenyu hwavo zvakaita sehupfumi uye kuti vasachiva hupenyu hwevamwe,” anodaro Muza.

Muchinda uyu anoti akatanga kuita zvemadhirama mugore ra2001 achiri kuchikoro.

“Ndakatanga kuita zvemitambo yemadhirama ndiri kuchikoro uye kusvika parizvino ndakwanisa kubuditsa mitambo inosanganisira Fidelis, Mhindupindu, Zibhodho, Chawagona Hapana naChandinofira.  Madhirama aya anodzidzisa zvinosangana neveruzhinji muhupenyu uye kuti vave nemwoyo murefu pakurarama kwavo,” anodaro Muza.

Zvisinei, anoti mubasa ravo vari kusangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kutengeswa kwemitambo yavo pamisika yemikoto.

“Tiri kuzama kubuditsa madhirama emhando yepamusoro asi mari yatiri kuwana ishoma nekuti mabasa edu ari kutengeswa pamisika yemikoto mumigwagwa. Kune vamwe vanhu vari kukohwa pavasina kusakura izvo zvinotirwadza,” anodaro Muza.

Anoenderera mberi achiti, “Kuti tikwanise kubuditsa mitambo iyi tinenge tatoita mari mudemhe mudemhe nechinangwa chekusimudzira indasitiri yezvemitambo iyi. Zvisinei, hatiregi  kubuditsa mitambo mitsva, tinorovera bhora mberi! Tinoziva kuti variko vanoyemura mabasa edu.”

Muza anoti vechidiki vane matarenda mune zvemadhirama havafanirwe kunyara kutaridza zvipo zvavo uye zvakakosha kuti vatsigirwe.

“Tarenda ngaribuditswe, vanhu vanoyemura tarenda raonekwa. Vane matarenda vanofanirwa kupiwa mukana wekuataridza, zvikuru vechidiki uye ngavatsigirwe zvizere,” anodaro Muza.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey