Uncategorized

Mvura, kushambidzika ikodzero yevanhukadzi

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Geraldine Nyaku —
MADZIMAI nevanasikana vari panyatwa huru nekuda kwenyaya dzemhirizhonga dzinosanganisira kurohwa uye kumbunyikidzwa pabonde apo vanenge vari kutsvaga mvura nezvimwe zvekuzvishambidza nazvo.

Kunzwisisa zvinhu zvakanakira madzimai kwakakosha zvikuru mukusarudzwa kwenzvimbo dzezveutano dziri pedyo navo dzakadai sezvibhorani kana pombi dzemvura nekuti zvinobatsira mukuderedza nyaya dzekumbunyikidzwa.

“Hapana hurongwa hwebudiriro hunobatsira kuvanhu vose – vanhurume nevanhukadzi – kudarika uho hunoita kuti vanhukadzi vave ivo vari pamwongo wehurongwa uhu.”

Mashoko aya akataurwa nevaimbove mukuru-mukuru wesangano reUnited Nations, VaKofi Annan, pamusangano mukuru weSeventh Secretary-General of the United Nations.

Zviri pachena kuti kubudirira kwemadzimai munyaya dzedzidzo nemune zveupfumi kunoderedzwa nekuda kwemabasa mazhinji ayo vanoita mudzimba.

Mitemo, kubudikidza nebumbiro remutemo wenyika, yakakwanisa kudura zvinhu zvakakoshera madzimai – zvikuru muchikamu cheEnvironmental Rights Section 73 nekodzero yekuwana chikafu nemvura neSection 77 kuti izvi zvinge zvichiwaniswa kuvanhu vese.

Mutemo weEnvironmental Management Act unoti munhu wese ane kodzero yekuve munharaunda yakachena uye ine utano. Kushaikwa kwemvura kumadzimai kunoita kuti vange vachishanda munharaunda dzisina utano.

Mutemo weUrban Council Act ndiwo unocherechedza mabasa anoitwa nemakanzuru emumaguta muZimbabwe.

Section 183 yemutemo uyu inoti makanzuru anofanira kunge achigadzirisa nyaya dzekuwaniswa kwemvura, kunyangwe kunze kwenzvimbo dzekanzuru.

Unoti zvakare makanzuru ange achiita basa rawo rekuwanisa vanhu mvura neutsanana pamwe nekurwisa nyaya dzemhirizhonga kumadzimai zvichikonzerwa nekushaikwa kwemvura.

Zvinangwa zveSustainable Development Goal 6 zvinotarisa kudyidzana kunoita nyaya dzeutano nekuwaniswa kwemvura.

Zvine donzvo rekuti vanhu vange vachiwaniswa mvura neutsanana zvinokwanirana panosvika gore ra2030.

Zvinangwa izvi zvinorwisawo nyaya dzekuitira tsvina pese-pese izvo zvinonyangadza nharaunda nekuve nenjodzi kuutano hweveruzhinji.

Hadzisi nhau kana madzimai achinzi anomuka rungwana-ngwana kuma4 am vachinotsvaga mvura kuzvibhorani.

Izvi zvinoita kuti madzimai ave panyatwa dzekubatwa chibharo, kushungurudzwa nenzira yebonde kana kupondwa nekubirwa.

Mvura yavanenge vari kutsvaga yakakoshera mhuri, vana kuti vange vachienda kuchikoro uye kuti varume vaende kumabasa vakashambidzika.

Madzimai haana zororo, anoramba achitsvaga mvura siku nesikati zvinoita kuti vange vachineta zvikuru.

Madzimai nevana vanofamba nzendo refu vachitsvaga mvura kuti vange vachiita mabasa epamba akadai sekuwacha.

Kuwaniswa mvura neutsanana ikodzero huru dzinobatsira mukusimudzira raramo yevanhu nekubvisa nyaya dzerusarura uye kusaenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume.

Madzimai anofanira kuwaniswa mikana yekuti vange vachipinda muzvirongwa zvine chekuita nemabhindauko ekuti vawaniswe mvura neutsanana vachiisa pfungwa dzavo pane kurongerwa.

Kupinzwa kwemadzimai muzvirongwa zvine chekuita neraramo yavo kunoita kuti paitwe mabhindauko ane budiriro.

 Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey