Uncategorized

Mwana (8) oshura mare nenhetembo

28 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Mwana (8) oshura mare nenhetembo Milca Nokutenda Never akabata gwaro raakawaniswa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA musikana ane makore masere okuberekwa anodzidza paGlen View 7 Primary School, muguta reHarare ari kuita kushura mare nekudetemba pamusoro pezviri kuitika muupenyu hwanhasi izvo zvaona achipihwa mibairo nesangano reVanasikana Project.

Nyanduri wechidiki uyu, Micla Nokutenda Never ane hunyanzvi hunoshamisa mukudetemba kwake.
“Mwana wangu ndinomutsigira, haanete kubvunza paanenge asiri kunzwisisa uye anokurumidza kubata zvaanenge afunda. Ndinodada naye,” vanodaro amai vemwana uyu.

Dzimwe nhetembo dzakaitwa naMicla dzinosanganisira kuipa kwenyaya dzemhirizhonga nekutora zvinodhaka semutoriro idzo dzose dzakabuda muKwayedza.

“Ndakarava mabhuku akawanda ayo akanyorwa naIgnatius Mabasa uye ndinofarira kuverenga bepanhau reKwayedza nekuti rinodzidzisa zvakawanda maringe netsika nemagaririro zvinoita kuti isu pwere tibudirire muupenyu,” anodaro Milca.

Nhetembo yaakaita inonzi “My Digital Period” ndiyo yakaita kuti ahwinhe mubairo weUS$100, chitupa uye bhuku – Menstrupedia Comic – rinova rimwe remabhuku akagoverwa muzvikoro kuti ringe richifundisa vanasikana maringe nenyaya dzekuyaruka.

“Bhuku iri ndakariverenga zvekare ndikaona kuti rakakosha kumwanasikana wose nekuti rinofundisa kuti kutevera mazuva kuita sei uye zvii zvinofanira kunge zvichiitwa nemwanasikana kuti arambe akashambidzika panguva yekutevera.

“Rinodzidzisa zvakare kuti kana mwanasikana achinge angotanga kutevera, mikana yekubata pamuviri inenge yakakura zvikuru nokudaro zvakakosha kuzvibata wosiyana nenyaya dzepabonde,” anodaro.
Micla mwana akarongeka nokudaro anoti mubairo wemari waakahwinha achaushandisa kutenga yunifomu itsva yekuchikoro yetemu inotevera sezvo mayunifomu acho ava kusandurwa uye nekutengawo mabhuku ekurava neekunyorera.

Mai Lilian Dzapasi vanova country director weVanasikana Project vanoti vakafadzwa zvikuru nenhetembo yemwanasikana uyu vakaona zvakakosha kuti vamutsigire.

“Vanasikana Project isangano rinorwira kodzero dzevanasikana pakukura kwavo nokudaro tiri kunyanya kutarisana nenyaya dzeutano hwekuyaruka tichivatsigira nemabhuku akatakaparura anovafundisa zvekuita pavanenge vangotanga kuyaruka.

Dzidzo yemwanasikana inoendeka zvakanaka kana achinge aine zvekushandisa zvakaringana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey