Uncategorized

Mwana afira mu‘septic tank’

11 Feb, 2021 - 10:02 0 Views
Mwana afira mu‘septic tank’ Septic tank rinonzi makafira mwana.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA wekushaikwa nevabereki vake kwemazuva matatu mumusha weSenton Park, muguta reHarare, azowanikwa mutumbi wake uri mugomba kana kuti tangi retsvina – “septic tank”.

Sharon Zariro (6) akagumisira kuonekwa nemusi weChitatu chadarika apo aitamba pachivanze chepamba panogara vabereki vake.

Nemusi weChishanu, Kwayedza yakashanyira mhuri iyi rinova zuva rawanikwa mutumbi wemwana uyu uri museptic tank.

VaRuddy Musoni (28) avo vanova babamudiki vemwana uyu — vanoti akashaikwa masikati emusi weChitatu svondo rakapera apo aitamba oga pamba panochengetwa nevabereki vake apa. 

VaRuddy Musoni

“Mwana uyu aitamba oga pano uye zvinofungidzirwa kuti aitambisa bhora regorofu iro raaizivikanwa achifarira. Amai vake, Mai Locadia Mhondiwa (26) vanonzi vaiita mamwe mabasa epamba apo baba vake, VaTatenda Zariro, vaiva kumusika kwavanotengesera,” vanodaro VaMusoni. 

Vanoti kubva musi weChitatu uyu, vabereki vemwana uyu, dzimwe hama nevavakidzani vakatanga kumutsvaga asi ndokumushaya.

Mutumbi wake wakazowanikwa neChishanu navatete vake, Mai Netty Kanengoni (47), uri mutangi retsvina.

“Mwana uyu aifarira kutamba nebhora regorofu, saka takazongofunga kuti anogona kunge airitambisa ndokuwira museptic tank. Vanhu vakazotora simbi ndokubvongodza mvura apo mutumbi wemwana wakabva wayangarara pamusoro pemvura,” vanodaro Mai Kanengoni. 

Gomba rinoenda tsvina iri rakaiswa simende pamusoro uye rine maburi matatu asina kuvharwa zvinogona kunge zvakakonzera tsaona yekuwira kwemwana uyu. 

VaZariro (27) vanoti vanorwadziwa zvikuru nekushaya kwemwana wavo dangwe.

VaTatenda Zariro

“Pakaitika tsaona iyi ini ndainge ndisipo sezvo ndichitengesa kumusika kwangu nepatakishopu iri muno makare. Ndakazongonzwa kuti mwana haasi kuonekwa ndokutanga kumutsvaga tichimushaya, mutumbi wake ndokuzowanikwa uri museptic tank,” vanodaro VaZariro. 

Mudzimai wavo anotiwo, “Ndabaiwa, mwana wangu akafa achitambura mugomba rakazara mvura kudai. Tinoda zvedu kuti anovigwa kumusha kuBuhera South kuna ambuya nasekuru vake. Hamheno kuti tichafamba sei, tambotaura naCde Joseph Chinotimba (MP) vakati vachatibatsira nekuti kana chekuti vanhu vadye parufu pano hatina.”

Cde Chinotimba vakazotaurwa navo neKwayedza vakavimbisa kubatsira mhuri iyi.

Mai Netty Kanengoni

“Imhuri yangu yawirwa nenhamo iyi, rufu urwu ndiri kurutakura. Ndanzwa kuti mapurisa vatakura mutumbi wemwana uyu kuenda nawo kumochari kuti unoongororwa saka ndakamirira kuti varonge uye kana vapedza zvemapepa votakura mutumbi nemotokari yangu kuenda nawo kumusha tichitevedza mitemo ine chekuita neCovid-19,” vanodaro Cde Chinotimba. 

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

“Nyaya iyi muhofisi mangu haisati yasvika, regai ndigotaura nemapurisa enzvimbo iyi tinzwe kuti zvakafamba sei,” vanodaro Asst Comm Nyathi. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey