Uncategorized

Mwana akazvimba dumbu akwata

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

naMalven Mugadzikwa
MWANA ane makore mashanu okuberekwa ari kuyaura nedumbu rake iro rakangotanga kuzvimba apo anonzi akange abva kunotamba nevamwe uye pane fungidziro yekuti anogona kunge akakwata zvekudya.

Kukwata kudya chikafu kumba kwevamwe kana kuti kumaraini.

Tanyaradzwa Matiza, uyo anogara nevabereki vake kuManica Bridge, kwaMutare, anonzi akangotanga kuzvimba dumbu masvondo maviri adarika uye pari zvino ari kurapwa muchipatara cheParirenyatwa, muHarare.

Baba vake, VaSamson Matiza (42), vanoti vashaya kana nezano rekuita nekuda kwehurwere hwemwana wavo.

“Mwana uyu akangobva kunotamba nevamwe rimwe zuva manheru tikazonzwa oti mudumbu make mairwadza. Ndakamutengera mukaka akanwa ndokubva akatanga kuita tsvina yakawandisa yaive neruvara rwe’green’.

“Takashamisika nekupererwa nazvo kuti chii chaikonzeresa izvi. Dumbu rake rakatanga kuomarara, asisakwanise kudya,” vakadaro VaMatiza. “Ini ndinopinda chechi yeJohane Masowe yeChishanu saka ndakaenda naye kuchechi vakazvitadza. Ndakazoenda naye kuMt Darwin kumasowe zvakare kune mumwe mukuru wedu asi vakati vazvitadza ndokunzi ndidzokere kuchipatara. Ndipo pandakazouya naye kuParirenyatwa.”

Vakaenderera mberi vachiti mwana wavo akatotadza kuenda kuchikoro nekuda kwekuzvimba dumbu uku. “Mwana wangu akatotadza kuenda kuZero Grade nekuti haachakwanisa kumuka kana kufamba nekuda kwekuti makumbo nedumbu rake zviri kuzvimba. Ndakatouya naye kuno kuchipatara ndakamubereka uye anoswera akangorara,” vakadaro.

Dumbu raTanyaradzwa iye zvino rakangoti tsinga tande-tande uye haasi kudya asi kuchimbuzi ari kuenda. “Ndava nevhiki ndiri muno muParirenyatwa asi hapana chiri kusanduka, dumbu riri kuramba richiwedzera kuzvimba. Hurwere hwemwana wangu huri kuwedzera, asi ini ndakangogara muno,” vakadaro.

VaMatiza vanoti tarisiro yavo ndeyekuti mwana wavo abatsirwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey