Uncategorized

Mwana avigwa ari mupenyu

26 Dec, 2021 - 08:12 0 Views
Mwana avigwa ari mupenyu

Kwayedza

Danisa Masuku

MWANA kasvava kachangobva kuzvarwa akapona neburi retsono mushure mekunge amai vake vamufushira muguva risina kudzika vachangobva kumubara kudunhu raMambo Njelele, kuGokwe.

Yeukai Mano (makore ekubarwa haana kuzivikanwa), anogara kwaSabhuku Sothile, Chisina 3 Ward, kwaMambo Njelele anonzi akasarudza kunorasa mwana wake mushure mekunge murume waaiti ndiye baba vake aramba kumutambira achiti haasi wake.

Kanzura weChisina 3 Ward, VaShungu Maruza, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mwana uyu akaita rombo rakanaka kuti mumwe muvakidzani ainge achitozvifambirawo ndiye atsika nepamusoro peguva range rafushirwa kasvava aka achibva azviona mwana achiri mupenyu. Mushure meizvi, abva audza sabhuku pamwe nemapurisa,” vanodaro.

Yeukai paakaita pamuviri, anonzi akaudza mudiwa wake uyo akarambisisa kusvika pakubarwa kwemwana uyu.

Nemusi weSvondo manheru, akabva aenda pasango raive pedyo ndokubara mwana asi gava rakadambura musungo apo vamwe vanhu vemunharaunda vakamuona achiisa mwana uyu mukaguva kadiki ako ainge achera nefoshoro. Nyaya yakamhan’ara kuna sabhuku wenzvimbo iyi ndokuzopfuudzwa kumapurisa.

“Anoudza mapurisa kuti anga asina sarudzo nekuti mudiwa wake ari kuramba kuti ndiye muridzi wepamuviri nokudaro anoti akaona zvakafanira kuti arase mwana uyu achiti hapana anozomuriritira,” anodaro mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi.

Mapurisa akaenda panzvimbo yaiva yavigwa mwana uyu ndokumuwana ari mupenyu vachibva vasunga mukadzi uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey