Uncategorized

Mwana wemakumbo 3 akashaya

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MWANA uye wekuberekwa aine moyo miviri, makumbo matatu, tsoka ina nenhengo mbiri dzechirume, wekupurazi reNugget, kuMhondoro, uyo ane vabereki nguva yadarika vaitsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kunovhiiwa kunze kwenyika, anonzi akazoshaika.

Tinashe Maenzo, uyo akaberekwa gore rakapera matumbu ake akanamira kunze kumusana, akafira kupurazi uku mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Amai vake, Grace Zimbowa (35), vanoti vakagurwa kunorira nerufu rwemwana wavo.

“Tinashe hakusisina, akashaikira kuno kuMhondoro nemusi wa25 Mbudzi apo anga asvitsa gore rekuberekwa achikura zvakanaka. Akangoita mazuva maviri achirwara neflu achibva afa,” vakadaro.

Vanoti rubatsiro rwavaivimbiswa rwekuti mwana uyu azonovhiiwa kuIndia haruna kuzombozadzikiswa kusvikira afa.

“Takambogara kwatete kuHopley apo taipota tichienda nemwana kuchipatara kuGomo (Harare Central Hospital) tichinzi zvainge zvichirongwa kuti tibatsirwe kusvikira takazodzoka kuno kumusha pasina chakafamba. Takagara tiine tariro yekuti pane zvaizoitika kusvikira nhasi mwana afa,” vakadaro.

Sangano reRed Cross rakambopindira rikati raitsvaga mari yekuzobatsira mwana.

Ichokwadi kuti masangano, machiremba nevanhu vakazvimirira vaivimbisa kuti vaizotibatsira asi zvakakona.

Ambassador weRed Cross Society, Tryson Chimbetu, akatombovimbisa kuti sangano rake raizoona zvaringaite nekuda kwemwana uyu asi hapana zvakafamba,” vakadaro Mai Zimbowa.

Mutumbi wemwana uyu wakavigwa musi mumwe chete waakafa.

Baba vake, VaCharles Maenzo, vanoti kufa kwemwana wavo kwakavarwadza zvikuru sezvo izvi zvakaitika apo vaiva netarisiro yekuti aigona kuzobatsirwa akararama.

“Mwana wedu akazofa, takazvitambira nekuti zvaiva nechekuita naMwari, hakuna munhu anofa kana nguva yake isati yakwana,” vakadaro VaMaenzo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey