Mwanakomana odzipa baba kamukandasadza

17 Sep, 2023 - 09:09 0 Views
Mwanakomana odzipa baba kamukandasadza Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

HARAHWA inogara mumusha weWaterfalls, muguta reHarare, inoti iri kuoneswa pfumvu nemwanakomana anove mubvandiripo uyo anosvika pakuidzipa achirwa shanje dzaamai vake.

Zvisineyi Chivhiya aendesa Albert Chivhiya kudare reHarare Civil Court achiti anomutuka nekumurwisa.

“Kutaura kuno handisi kuwirirana nemudzimai wangu zvekutoti tave nemwedzi mitatu tisiri pamwe. Nerimwe zuva, ndakatadza kuwirirana naamai vake akandirova nesimbi ndikazonoponera kuchipatara. Akandizvuzvurudza akandibata pahuro ndokuzondidzvanya ndikapotsa ndafa,” anodaro Zvisineyi.

Anoenderera mberi achiti: “Ndikatadza kuwirirana nemudzimai wangu iye anopindira, ndikati amai vacho vambotsiurawo mwana vanoti siyayi akadaro. Saka hatichawirirana mumba pamusaka pemukomana uyu.

“Ingaita wanano rudzii inotongwa nemwana? Kutaura kuno ave kundirambidza zvakare kusvika kumusha wangu wandakavaka uri kuShurugwi achiti hapasi penyu asi ndepaamai vake nekuti ndivo vakatsvaga nzvimbo yacho yokugara mushure mekunge vadzingwa naamai vangu.”

Achipawo divi rake, Albert anoti Zvisineyi haafanirwe kugara kuShurugwi nekuti musha uyu ndewaamai vake kunyangwe zvazvo ari iye akavaka.

“Apo taigara kumusha, amai vakatadza kuwirirana naambuya – amai vababa – ndokudzingwa mumusha tikazobatsirwa nasabhuku kuwana imwe nzvimbo ndokubva amai vavaka imba yemapango. Baba vakazouyawo vakaipwanya ndokuvaka dzezvidzinha saka ndinoti hapasi pavo, asi ndepaamai,” anodaro Albert

Mutongi Sharon Mashavira vabvunzurudza Albert kuti sei achipindira munyaya dzevabereki.

“Saka iwewe uri kupinda papi munyaya dzevabereki? Hazvina chimiro chakanaka zvauri kuita izvi, usapindire nyaya dzevabereki unofanira kukudza vabereki vako uchivabatanidza kwete kuvaparadzanisa uchitora divi raamai sezvauri kuita izvi. Saka uri kufara here nezviri kuitika izvi?” vanodaro.

Albert apihwa yambiro yekuti anosungwa kana akaramba achiita hunhu hwakaipa kudaro.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Zvisineyi gwaro redziviriro ndokuudza Albert kuti asasvike kumusha Shurugwi uye abve pamba pevabereki kuWaterfalls, otange upenyu hwake sezvo ava nemudzimai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey