Uncategorized

‘Mwari vari kuuya muZim bedzi’

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
‘Mwari vari kuuya muZim bedzi’

Kwayedza

MUPOROFITA uye wemuHarare wekuti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune achiti zvakare Mwari vachashanyira Zimbabwe musi wa20 Gumiguru gore rino auya neimwe itsva.
Prophet Talent Madungwe anoti baba vake mune zvemweya (spiritual father) ndimuporofita Daniel wemubhaibheri.

Prophet Madungwe wechechi yeDesire of All Nations Ministries, iyo iri mumusha weSunningdle, akaudza Kwayedza kuti gadziriro dzekuuya kwaMwari munyika ino dzave padanho repamusoro.
“Nyika ino rwendo rwuno yakaropafadzwa, spiritual father vangu ini ndiProphet Daniel avo vanonditaurira zvekuita.

“Saka nekuda kwemisangano yatakanoita naMwari kudenga, ivo Nyadenga vakazotumira Prophet Daniel kuzotaura neni vachiita gadziriro dzepamweya dzekuuya kwavo. Mwari vari kuuya munyika muno nemusi wa20 October,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti akamboonana zvakare naProphet Daniel mugore ra2014.
“Prophet Daniel vakauya ndichinamata mangwanani eChishanu chakadarika mumba mangu kuSunningdle, vakandiudza kuti vainge vatumwa naMwari kuti vasimbise kuzoshanya kwavo muZimbabwe kwandiri ini nekuzonunura nyika ino matambudziko ayakatarisana nawo,” anodaro Prophet Madungwe.

Paakabvunzwa kuti ko kana Mwari vakasauya sekuvimbisa kwaari kuita anozodini, muporofita akati: “Ndine idi kuti vanouya chete Mwari. Kana vakagona kushanyira Abraham nemudzimai wake, nekuvimbisa kwavakandiita hazvikoni. Izvi zvichaitika murunyararo sekuziviswa kwangu.”

Vamwe vakuru vemachechi neveruzhinji vari kushoporodza muporofita uyu vachiti murwere wepfungwa asi vamwewo vanoti vanhu ngavamirire kutanga vaona kuti zvaanotaura zvekushanya kwaMwari muZimbabwe zvichaitika here kana kuti kwete.

Hezvinoi zvimwe zvezviri kutumirwa nevamwe vaverengi pamusoro pemuporofita uyu:
Prophet Madungwe tamirira nguva yekuuya kwaMwari yamakataura. Pane chiratidzo here nhai prophet chatichaona kuti Mwari vadzika kuti tivewo nechokwadi? — Mai Promine.
* * *
Madungwe uyu musamupe mbiri yenhema, haazi prophet. Mwari havashanyire Zimbabwe nekuti

Mwari tinavo nguva dzose. Murume uyu ari kudhomoka, batai munhu! – M.C, Dvat, Mutare.

* * *

Munyika mune maporofita akawanda echokwadi neenhema asi hatisati tambonzwa vachiti vaona Mwari. Ko Madungwe akazviwanepi zvaanotaura? Kurwara kwake kuchamupinza mujeri, ngaasatambe nezvisingatambwe nazvo. – N. M, Domboshava.

* * *

Vamwe vakaudzwa hondo nemurwere wepfungwa asi hondo yakazouya. Mirirai zuva rakataurwa naProphet Madungwe. Tipeiwo nhamba dzavo. – 0772 563 700.

* * *

Ayewa vehama, bhaibheri rinoti usatonga mumwe wako nekuti iwe uchatongwawo saka mirirai mwedzi nezuva racho zvisvike. – Marshal Chikunde, Chitungwiza.

* * *

Prophet Talent Madungwe anoda kuongororwa pfungwa nenjere dzake kana dzirimo dzose. – 0783 951 170.

* * *

Murume uyu anoda kubikirwa doro nekuti paari pane svikiro guru chairo, haapenge. – Nyamudahondo, Waterfalls.

* * *

Madungwe usatamba naMwari nekuti kana kuri kutsva ndiwe uchatanga. Avo vari kuchechi kwake ngavatobve pachiri pedyo, asi kana vachida zvedenga bva takamirira zuva richauya Mwari wake kuzotiponesa. – 0777 080 355.

* * *

Madungwe ngaarege kutamba nezita raMwari nekuti acharohwa neshamu huru. – Mandlenkosi Zhou, Mvurwi.

* * *

Ndakaverenga hangu nyaya yaprophet ava vanhu vasati vatanga kupa maonero avo ndikangoona kunge pfungwa dzavo dzisina kukwana. Varegerereiwo hapana chavanoziva. – Mai Tanyaradzwa, Mutare.

* * *

Sando dzenyu veKwayedza. Prophet Madungwe avo asi vanoverenga kunze kwebhaibheri? Mwari pachavo vanoti hakuna anondiona akararamazve. Madungwe haarwari zvake nepfungwa asi ari mumupanda wemaporofita enhema aitaurwa naJesu. Hanzi izvozvo zvose kana zvotanga kuitika muzive kuti ndava pedyo kuuya, anorava ngaacheredze. – M. Pumelelo, Chivi. * * *

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey