Uncategorized

Mwedzi 6 achigara mubako

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Mwedzi 6 achigara mubako Alice Dzapasi

Kwayedza

Alice Dzapasi

Alice Dzapasi

MUKADZI wechidiki wekuHighfield, muHarare, anoti akagara mubako kumapurazi ari pakati peSeke neMarondera kwemwedzi mitanhatu achitiza kumba kwavo nekuda kwekuti anonzwa mazwi evanhu vaasingazive munzeve dzake ayo anomutyisa uyewo akamboda kuzviuraya nekunwa muchetura wemakonzo ndokuzopona nekurutsa.Alice Dzapasi (24) wepanhamba 6870 Western Triangle, anoti dambudziko iri rava nenguva refu richiitika.

“Mushure mekutambudzwa nemazwi ayo anouya munzeve dzangu achitaura zvinotyisa, ndakagumisira ndambotiza pamba apo ndakanogara mubako kwemwedzi mitanhatu umo ndaiva ndoga. Ndinoona mazivanhu ndakasvinura, kwete ndichirota, vachiuya kwandiri vakabata matemo, makano, mapfumo, pfuti, miseve, tsvimbo nezvimwe, vanosanganisira varume nevakadzi vandisingazive,” anodaro Alice.

Anoti akatora danho iri nekuda kwekushungurudzwa nemweya yaanoti ndeye tsvina.

Alice anoti baba vake vakashaika, amai vake vapenyu asi hama dzake hadzisi kumubatsira padambudziko iri.

“Chakandituma kuzombotiza pamba ndechekuti ndikataurira hama dzangu, kunyange amai vangu chaivo, nekuda kwezvandinoona nezvandinonzwa izvi. Asi hakuna anonditerera, vanotofunga kuti pfungwa dzangu dzinorasika nekuti vanhu vanoda kundirwisa ava ivo havavaone.

“Saka ndakazongobva pamba asi handizive kuti bako iri ndakariwana sei, ndakazongoona ndavemo umo. Rine madziro akapendwa neropa.”

Anoti iyi inguva yake yekutanga kuenda kunzvimbo ine bako raakagara iri apo akangokwira kombi achingoenda kwaaitaurirwa nezwi iri dakara akanoburukira kumapurazi ari pakati peMarondera neSeke.

Anoti ave nenguva refu achiedza kutsanangurira hama dzake matambudziko ake asi pasina anomunzwa izvo zvakamupa shungu dzekutetereka nenyika.

“Ndiri mubako umu, ndairara ndoga pasina kana kutya zvisinei kuti pane mazwi evanhu andainzwa vachitaura nyaya imomo vachitoseka. Ndaibuda kana ndaona kwaita chaedza kuratidza kuti kwachena ndichitonosangana nevanhu vandaikumbira kudya nemari ndichizodzokera mubako.

“Ndaitogezawo nekuchinja mbatya sezvo ndakanga ndatakura bhegi rembatya. Asi hakuna vanhu vandaitaurira nyaya iyi sezvo ndaiti ndikada kuzivisa veruzhinji ndaiona vanhu vaye vachida kundiuraya.”

“Rimwe zuva ndarwadziwa nemamiriro ezvinhu aya, ndakazofunga zvekuzviuraya ndokutenga mushonga wemakonzo kuti ndinwe. Ndakadzokera mubako muya ndokunonwa muchetura kuti ndifiremo ndigoparara zvangu pasina anondiona.

“Panguva yandakangonwa mushonga uyu ndiri mubako umu, makabva mabuda zinyoka hombe regreen raida kundiruma. Ndaka

tiza ndichirutsa mushonga uya dakara ndava kunze kwebako. Ndakaramba ndichirutsa kusvikira mushonga uyu wakapera mudumbu. Ndipo pandakabva ndadzokera kumba zuva iroro,” anodaro Alice.

Anoti akadzoka kumba kwavo achiita zvekukumbira vemakombi kuti vamutakure sezvo ainge asina mari.

“Amai nedzimwe hama vakanga vaita nguva vachinditsvaga vakatoshamisika kundiona. Handina kuvaudza nyaya yangu yekugara mubako. Ndakazovazivisa nyaya iyi mushure menguva yakareba sezvo ndairambidzwa nezwi randinonzwa.”

Alice anoti dambudziko rake rakatanga mugore ra2006 apo baba vake vakashaika vasina kurwara mushure mekunge varota hope dzinotyisa.

“Baba vangu, VaChartwell Dzapasi, vakashaika musi wa31 Chikunguru mugore ra2006 apo manheru acho vakarota vachirwisana nemunhu wavakati kuzasi aiva nechimiro chebesu rehove nemuswe wenyoka, kumusoro aine musoro wemunhu newenyoka.

“Zvinonzi mhuka inotyisa iyi yakabuda muvhu ndokutanga kurwisana navo vachibva vaikurira apo inonzi yakavaudza kuti vaisazopedza mazuva matatu vari vapenyu,” anodaro Alice.

Anotiwo iye panguva imwe chete iyi airotawo baba vake vachirwiswa nemhuka.

Alice anoti baba vake pavakazomuka vakamuzivisa nezvehope dzavo idzi.

Mhuka iyi inonzi ichitaura kuhope uku, yakaudza baba ava kuti yaida kuuraya Alice asi yaiva yakundikana saka yaizokonzera kurwara kwake mushure mekuvauraya ivo.

“Paiitika izvi, a

mai vangu, Eneresi Dzapasi (64), vainge vasipo vaenda kuBotswana kunohodha. Vakazosvika kumba mangwana acho manheru ndokuwana baba vachitotandadza.

Mai Eneresi Dzapasi vachichema. - Mifananidzo: Shelton Muchena

Mai Eneresi Dzapasi vachichema. – Mifananidzo: Shelton Muchena

“Amai vakazomutsa vamwe vanhu pamwe chete nesu tikawana baba vachibuda dikita muviri wose, vachiita semunhu mupenyu vachibva vatofa.

‘‘Izvi zvakapindirana nehope dzangu nedzavo sezvo vakafa vasina kurwara,” anodaro.

Panguva iyi ndipo paanoti akatanga kunzwa mazwi aimutaurira zvekuita.

“Ndakazoroorwa naNgwarai Dhaka ndokutanga kugara naye kuChitungwiza kusvika 2014 apo ndaisangana nehope dzekuti ndisiyane nemurume.

‘‘Takazorambana ndiine mwana mumwe chete ane makore 7 okuberekwa.”

Alice, anova gotwe mumba mavo, anoti ndiye oga ane dambudziko rakadai mumhuri yevana vana.

“Munhu ukava nherera chokwadi hapana anokucheuka. Vanin’ina nevakoma vababa nevekudzinza ravo vekuChiweshe hapana anondibatsira. Ndatambura uye ndinodawo rubatsiro.

“Kunyangwe kwanasekuru kumusha kwaamai hakuna anondibatsira. Saka ndave kukumbira zvangu nyika kuti indibatsire,” anodaro Alice.

Amai vake, Mai Dzapasi, vanotsinhira dambudziko remwana wavo vachiti vashaya zano rekuita.

“Nyaya iyi yakatanga pakashaika murume wangu uyo ndakasvika ndichibva kuBotswana ndikawana achitandadza.

‘‘Anonzi aiva arota hope dzaityisa husiku hwacho, vose naAlice,” vanodaro.

“Alice anoita basa rekuruka vanhu misoro. Izvozvi akanozvitorera pasipoti achiti anoda kubuda kunze kwenyika uyewo haanwe doro kana kutora zvinodhaka. Tinofamba naye kwakasiyana zvichinzi mweya yetsvina inokonzera kudaro.

“Ini saamai vake shirikadzi, ndinokumbira rubatsiro kunyika. Zvekuti handidi kumubatsira handizvo, izvozvi anorara akagara achiona TV achiti haana hope. Vamwe hama dzababa vacho havadi kumubatsira,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nehanzvadzi yaAlice, Leon Dzapasi (36).

Leon Dzapasi

Leon Dzapasi

Kune vanoda kubatsira Alice vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0777 463 911, 0773 240 588, 0776 042 064, 0712 775 700 kana 0784 125 524.

Zvakadaro, nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze muHarare, vanoti vemhuri iyi ngavatsvage kubatsirwa nguva iripo vachiti panogona kunge paine ngozi yakaparwa kare inodariso kana mabasa ehuroyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey