Uncategorized

N’anga ine mapanties 700 evanhu

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
N’anga ine mapanties 700 evanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNOITIRWA matare neimwe n’anga yekwaChihota, kuMashonaland East muri kugara “makashongedzwa” nezvipfeko zvemukati zvevanhukadzi nezvevanhurume izvo zvinoendeswako nevanhu vanenge vachida kusunga vamwe vavo nechinangwa chekuti vasazodanana nevamwe vanhu.

N’anga iyi inoti zvipfeko izvi zvinopota zvichinanzvwa nenyoka dzayo semhiko dzekusimbisa rudo pakati pevanodanana kana vari muwananano.

Kunze kwaizvozvo, n’anga iyi inoti ine nyoka kana kuti mishonga inogona kupfumisa munhu nekurutsa mari.

Sekuru Grey Mupinganjira (38) vemubhuku raDambanevana, pedyo nekwaLandas, vanoti vave nemakore akawanda vachiita basa rekusota vanhurume kana vakadzi iri.

“Madzimai vanoba zvipfeko zvevarume vavo vouya nazvo kuno uyewo varume vanoitawo zvimwe chetezvo. Kuno ndinosvikoshandisa mishonga pambatya idzi, asi mhiko huru kunanzvwa kunoitwa mabhurugwa iwaya nenyoka dzangu dzichiasvipira mate.

“Zvikangodaro bedzi, hakuna munhu anobuda mumba, kungava kuita girlfriend kana boyfriend, unonyepa iwe!” vanodaro Sekuru Mupinganjira.

Pakussimbisa rudo rwevaviri, vanotiwo kune madzimai anopfeka chuma muchiuno chinonzi mukanda icho vanoshandisawo kuti mudzimai asazobuda mumba.

Vanoti nyoka dzemumatare avo, idzo dzinosvipira zvakare mate adzo pachuma, dzinobva kumusha kwavo kuMulanje, kuMalawi.

Kwayedza payakapinda mumatare en’anga iyi yakawana zvipfeko zvemukati zvakasunganidzwa zvichirembera kubva mudenga kusvika pasi izvo zvaiva mumitsara mitanhatu uye zvakaiswa mishonga.
“Nyoka dzandinoshandisa kuita izvi ihono chete, dzinobva kuMalawi zvose nemishonga yacho. Dzinodzokera ikoko kamwe chete pamwedzi mitatu ndichidzituma.

“Mafambiro adzo anonetsa kutsanangura, asi zivai kuti dzinotora zuva rimwe chete kuenda kumusha (kuMalawi) nekudzoka,” inodaro n’anga iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey