Uncategorized

N’anga ndunge ashaya

01 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
N’anga ndunge ashaya Ndunge

Kwayedza

Kingstone Mapupu
N’ANGA yekuChipinge ine mukurumbira, Sekuru Charles Makuyana Ndunge, vanonzi vakashaya mangwanani eMuvhuro uno vari pamusha pavo kuSouth Downs, kwaMambo Makuyana. Vanga vava nemakore 87 okuzvarwa.

Svondo rapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yen’anga iyi ichi iyo nemhuri yavo vakapona munjodzi yemvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai iyo yakaparadza misha mizhinji kuChipinge nekuChimanimani.

Jabulani Ndunge (44), uyo anova mumwe wevanakomana vaSekuru Ndunge, anotsinhira nezverufu rwababa vake.

“Tine kusuwa kukuru kuno, Sekuru Ndunge vashaika. Vashaika nhasi makuseni nenguva dza8 mushure mekurwara kwenguva pfupi. Semhuri, tichakuzivisai kuti hurongwa hwakamira sei. Kutaura kuno mutumbi wavo uri mumba pano pamusha pedu,” anodaro Jabulani.

Anoti baba vake vaingorwadziwa negumbo.

“Igumbo mufunge ratora baba vedu, raingorwadza vachifamba tisingamboziva kuti zvichasvika pakadai. Zvakawanda tichakuzivisai, vafa paine vanhu vakawanda vanga vachida kubatsirwa – vemuno nevekunze kwenyika – avo vaomerwa kusanganisira nesu,” anodaro Jabulani mangwanani eMuvhuro uno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey