Kwayedza
Abel Ndooka
SHASHA yetsiva – Floyd “Money” Mayweather – apinda munyika nhasi mangwanani.
Mayweather ari kushanyira Zimbabwe kwemazuva maviri, nhasi namangwana, pasi pechirongwa cheThe Motherland Tour izvo zviri kumuona achishanyora nyika dzakasiyana dzemuAfrica.
Achitaura achangodzika ndege yake kuRobert Mugabe International Airport, Mayweather ati: “Zvinofadza kudzoka kuAfrica, nzvimbo yakanaka chaizvo kuMotherland.
“Africa inzvimbo yakanaka ine vanhu vakanaka, vanhu vangu. Saka ndiri kufara ndauya kumusha, zvinofadza ndauya uye ndagamuchirwa nemaoko maviri. Ndiri kufara kuva muZimbabwe.”
Rwendo rwake rwemuno ruchaona Mayweather achinoshanya kuMabvuku, ombotandara nevagari veko, uye ozoitirwa mabiko nhasi manheru.