Uncategorized

‘Ndakachekeresa kamwana’

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Ndakachekeresa kamwana’

Kwayedza

Tendai Gukutikwa —
MURUME wekudunhu raMutasa, kwaMutare, akashamisa vanhu vaive mudare ramambo apo akareurura humhondi hwavakaita pavakauraya mumwe mwana ndokumuchekeresa mune zvemabhizimisi apo akange anzi ape huchapupu akamirira mukoma wake.

Jacob Muranganwa akapupura nemusi weMugovera wadarika kuti ndiye akaponda Saddock, mwana wekubhuku rekwaChipupuri gore rapera.

Nyaya iyi yakabuda pachena mushure mekunge mukoma waJacob anonzi John Muranganwa amhan’arira madzikoma ake anoti James naAbraham Muranganwa achiti vari kusvibisa zita rake vachimupomera mhosva yehumhondi.

“James naAbraham Muranganwa vari kundipomera humhondi. Vari kuti ndini ndakauraya Saddock,” anodaro John, uyo akange anzi nedare iri auye nemufakazi achibva ashevedza Jacob.

Zvinhu zvakabva zvaminama apo Jacob — uyo akange achifanira kupa huchapupu akarerekera kudivi rwaJohn — akataura zvinopikisana, ndokuudza dare kuti iye naJohn ndivo vakaita mushandirapamwe wekuponda Saddock.

Anoti kuponda kwavakaita mwana uyu kwaisanganisira vanamuzvinabhizimusi vana nevamwe vanhu vasere vemunharaunda avo vakashandisa mitezo yemuviri waSaddock mukuchekeresa mabhizimusi avo.

Jacob akaudza dare kuti mukoma wake ndiye akakwezva kakomana ako kakange kari kubva kuchikoro achikavimbisa kuti aizokabhadharira mari yechikoro kana akashanda muchigayo chavo.

Anotizve mwana uyu akange adzorwa kubva kuchikoro nenyaya yekusabhadharirwa mari yechikoro.

Jacob anoti vakauraya mwana uyu musi wakare vachishandisa sando.

“Takabva tatora nhengo dzake dzemuviri mushure mekunonyepera mhuri yemwana uyu kuti akange azvisungirira. Takasunga pahuro yake netambo tichibva tamusungirira kunze kwemusha wavo,” anodaro Jacob.

Anoti vakatora ropa raSaddok, uropi nenhengo dzakavandika.

“Kubvira ipapo kusvika nhasi uno, handisi kuwana hope dzakakwana nekuda kwekuti mweya wemufi uri kundishungurudza. Ndicho chikonzero ndiri kudura zvose zvakaitika izvi nhasi uno. Ndiri kutsvaga kubatsirwa,” anodaro Jacob.

Vakafanobata chigaro chaMambo Mutasa, vakabva vakwidza nyaya iyi kumapurisa vachiti vachazotonga yekusvibiswa kwezita raJohn mushure mekunge yehumhondi iyi yapera kumatare makuru edzimhosva. — The Manica Post.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey