Uncategorized

NDAKADYA VANHU 25

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
NDAKADYA VANHU 25

Kwayedza

KASIKANA kane makore 16 okuberekwa (kari mumufananidzo uri mudenderedzwa) kakapedza mate mukanwa mevanhu vainge vakaungana padare raMambo Zimunya kwaMutare nemusi weSvondo wadarika apo kakadura kuti muroyi, kane mapere 10 nenyoka 10, uye imwe yenyoka idzi kakaituma kunokobora mupurisa kana kuti jinda ramambo nechinangwa chekuda kumuuraya.

Pamusoro pezvo, kasikana aka kanoti kakadya nyama dzezvitunha zvevanhu vanosvika 25.

Kasikana aka, ako katisiri kudura nezita nekuda kwezera rako, mwedzi wadarika kakabuda pachena pasina kana nyadzi kuti muridzi wenyoka 10 nemapere 10, izvo kanoshandisa mumabasa ako erima.

CUTHBERT Mareesa achitaridza gumbo rake rakazvimba mushure mekunge arumwa nenyoka yakatumirwa nemusikana uyo akapupura kuti muroyi.

CUTHBERT Mareesa achitaridza gumbo rake rakazvimba mushure mekunge arumwa nenyoka yakatumirwa nemusikana uyo akapupura kuti muroyi.

Achiita kuimba chaiko, mwana uyu akarondedzera – pasina kundandama – mabasa aanobata nechikwata chake chevaroyi, ayo aanoti akakonzera kufa nekuroyiwa kwevanhu vemumisha yeko mumakore adarika.

Padare rimwe chetero, mumwezve murume akaratidza mambo gumbo rake rakazvimba, iro raanoti kasikana aka kakataura kuti ndiko kakamuroya.

Kasikana aka kanoti kave kupfukirwa nemweya wemumwe wevanhu vaakaroya nechikwata chake vakafa, Tracy Mutendi, uyo anonzi ave kuda ropa rake.

Mambo Zimunya (kuruboshwe)

Mambo Zimunya (kuruboshwe)

Izvi ndizvo zvakazoita kuti nyaya iyi ikwidzwe kudare raMambo Zimunya sezvo hama dzekasikana aka dzave kukatyira kumweya waTracy, zvose nekuti kangakuvadzwa kana kuuraiwa nedzimwe nhengo dzechikwata chaanoroya nacho.

Nemusi weSvondo, kasikana aka kakashamisa dare ramambo apo kakati ndiko kakatumira nyoka kuti inouraya mumwe wemachinda kana kuti mapurisa aMambo Zimunya, uyo akange atumwa kuenda nevanonzi varoyi ava kun’anga, kachiti kaida kuvhariridza chokwadi panyaya yehuroyi iyi.

“Iwe (akanongedza jinda ramambo) ungadai wakafa dai wakangoedza kuuraya mbuya muderere (praying mantis) vawakaona.

“Wakangwarisa zvenhando, uye taida kukupfuudza. Yaive nyoka yatainge tatumira kwete mbuya muderere. Ndiyo yakakuruma uye dai wakaiuraya newewo ungadai wakafa kutaura kuno,” akadaro musikana uyu achiita seakagarwa nemweya.

Dare ramambo rakaudzwa kuti mushure mekunge nyaya yemwana uyu yafambirwa mudzin’anga, zvakabuda pachena kuti musikana uyu pamwe chete naPortia Bhasera, uyo anova maiguru – mudzimai wemukoma wemurume akaroora amai vake – vose varoyi, kunyange zvazvo Portia akamboramba nyaya iyi.

Zvabudawo pachena kuti kasikana aka kakatemerwa nyora kasingazive dzekuroya naambuya vako. Pamusoro pezvo, mwana uyu anonzi akaberekeswa mishonga nemweya yehuroyi naPortia, izvo zvakanzi mudare ndizvo zvinoita kuti kana zvake (mwana) zvakabata, anozviti “ndini Portia Bhasera”.

Amai vemwana uyu, Francesca Chitambo-Bhasera, vakabongomora kuchema mudare ramambo vachiti kubva mwana wavo paakareurura nyaya iyi, vamwe vake vave kuda kumuuraya.

“Mambo kani ndapota, batsirai mwana wangu. Upenyu hwake hwava panjodzi kubvira paakapandukira vamwe vake (varoyi). Mazuva mashoma adarika akadzoka kumba achimhanya achidzingirirwa nenyamafingu (Egyptian cobra) yaida kumukobora. Rimwezve zuva, zvake zvakangomubata akapotsa azvikanda mudhamu. Ndinokukumbirai mambo, kuti mukasike kufambisa nyaya iyi nekubatsira mwana wangu,” akazhamba achidaro Francesca.

Uyuwo Portia akabvuma nyaya yaari kunangwa, ndokuti anodawo rubatsiro rwekubviswa nyora dzehuroyi dzaanadzo.

Musi mumwe chetewo, mumwewo murume wemumusha, Cuthbert Mareesa, akachema-chema achiti akanzwa kuti kasikana aka kakamuroya.

“Mambo, ndibatsirei ndapota. Musikana uyu akareurura kuti akanditumira nyoka (mubvuri wenyoka) kuti indirume. Muna Kukadzi wegore rapera gumbo rangu rekurudyi rakangotanga kuzvimba zvisinganzwisisike.

“Ndakambozama kumadhokotera nekumaporofita asi hapana sanduko. Musi uno uyu ndipo pandakazonzwa kuti musikana iyeyu ndiye akandiroya, zvinova zvaita kuti ndiuye kuti mundibatsirewo mambo. Marwadzo egumbo racho anyanyisa zvekuti ndapfidza,” akadaro Mareesa achiratidza gumbo rake rakazvimba.

Achitaura, musikana uyu akati akadya nyama dzevanhu 25 uye akaroya vanhu vana vachifa, kusanganisira Tracy Mutendi uyo ave nemweya wava kumutambudza.

Vachipa mutongo, Mambo Zimunya, vakati:

“Musikana uyu akapupura kuti akauraya vanhu vana, kureva kuti imombe 28 nembudzi ina dzinofanirwa kuripwa kumhuri dzevakafa ava. Asi apa motombonangana neyemweya waTracy Mutendi uyo wanetsa.”

Mambo vakati kuti vabatsire kupedza shavi rekuroya nekubvisa nyora dzaakatemerwa naambuya vake, panotodiwa $300.

VekwaBhasera nevekwaChitambo vakavimbisa kuendesa mari iyi kwamambo musi wa7 Chikumi, nyaya yacho ichizoendera mberi mudare iri nemusi wa14 Chikumi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey