‘Ndakakudira kunditakura mahara’

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
‘Ndakakudira kunditakura mahara’

Kwayedza

Mathew Masinge
MUTYAIRI wematekisi wemuguta reHarare, uyo anonzi ane meso-meso sezvo achipfimba vakadzi vaanotakura, ari kupomerwa kutadza kuchengeta mhuri yake.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Ephifania Hwandekwa akaendesa murume wake, Tumirai Tekere, achida $100 yekuriritira mwana wavo.

“Baba ava, changamire, hatichatovazive kumba, vanooneka kamwe chete kana kaviri pamwedzi. Kazhinji kacho vanenge vari kushamwarikadzi idzo vanotakura mahara nemota yavo. Handizivi kuti vanenge vachifunga kuti mari yacho ndinoiwanepi nemwana sezvo ndisingashande.

“Munhu wekuti akaona chero mukadzi anoda kutakurwa nemota asina mari, anototi awana wekusasana naye. Ndinozviziva nekuti ndiwo mawananiro atakaitana,” akadaro Hwandekwa.

Akaenderera mberi achiti mwana wake haachatozive baba vake.

“Kutaura kuno mwana wake atokura asi havazivane. Pose paanouya hunenge huri husiku mwana arara obudazve rungwanani-ngwanani. Iyi itsika yake kubvira nakare zvekuti pamba dzangove nhamo dzoga-dzoga, hatina kana chouviri,” akadaro Hwandekwa.

Tekere akaramba kuti mutyairi wematekisi asi kuti mushandi wepayadhi.

“Muchokwadi changu chaicho ini handisi mutyairi wematekisi sekutaura kunoita mudzimai wangu. Ndinoshanda kumayadhi ari kunze kweHarare, kure chaizvo zvekuti nguva yekudzoka kumba handiiwane pose-pose. Ndini mapata kiyi zvekuti handina mumwe anotendwa wandingasiira.

“Katova kechipiri tichiuya kudare rino achida mendenenzi achiudza dare zvikonzero zvekunyepa apa nhasi auya nechimwe chikonzero. Ndaikumbirisawo kuti dare ritsiure mudzimai uyu asapedze nguva yedare yakakosha”, akadaro Tekere.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Tekere abvise $30 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey