Ndakanokorwa tsoka namaiguru: Nyachide

25 Aug, 2023 - 12:08 0 Views
Ndakanokorwa tsoka namaiguru: Nyachide Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare – uyo akaroorwa pabarika – anoti aoneswa chitsvuku namaiguru vake nemwanakomana wavo avo vari kumushungurudza kusvika pakumunokora tsoka dzake pamusoro penyaya yekurwira murume.

Mercy Monga aendesa Mary Ukomba nemwanakomana wake Owen Ukomba kudare reHarare Civil Court achiti vakauya pabasa pake paUnique Sport Bar ndokutanga kupopota vachiti anofanirwa kusiyana nemurume wake uye ndokuzomudira dhiringi mumusoro.

“Vapedza kundidira dhiringi, vakazodzokazve nemwanakomana vavo ndokundituka kuti h**e rinopihwa mushonga naamai varo kuti ritore varume vevanhu. Owen akandikava ndikadonhera pasi. Ndakanomhan’ara kumapurisa vakanzi vabhadhare faindi,” anodaro Monga.

Anoenderera mberi achiti: “Mary akazotuma shamwari yake kuti izonokora tsoka dzangu, apo ndakaibvunza shamwari yacho ikabvuma kuti yainge yatumwa naMary. Ndaikumbirawo vedare kuti vaviri ava varege kundishungurudza nekuti amai ava murume wavo murume wangu zvakare uye ndiri mukadzi wechitatu.”

Mary arambisisa nyaya iyi achiti Monga ndiye anouya kumba kwake achimutuka nekutumira mashoko munharembozha ekumutukirira.

“Nguva zhinji anotoshandisa nhare yemurume wangu kundituka, handitozivi kubasa kwake kana kwaanogara,” anodaro Mary.

Owen audzawo dare kuti haana kumbobvira arova Monga.

“Ndakazoziva amai ava vauya pamba pedu kuzopopotera amai vangu nenyaya yekuti vaiti vakavanokora tsoka dzavo kuti vadzishandise,” anodaro Owen.

Mutongi Sharon Mashavira vapa Monga gwaro redziviriro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey