Uncategorized

Ndakasungisa munhu asiriye . . . ‘NDIBABA VAKANDIBATA CHIBHARO’

16 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
Ndakasungisa munhu asiriye . . .  ‘NDIBABA VAKANDIBATA CHIBHARO’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA musikana ava nemakore 22 ekubereka wekwaMurehwa – wekuti akabatwa chibharo nababa vake aine makore 11 ekuzvarwa, asi ndokufurirwa kuti asungise mumwewo murume asina mhosva – anoti ava kuoneswa nhamo nemweya wengozi yemunhu waakapikisa jeri kudzimara afirako uyu.

Musikana watichangodoma nezita rake rekutanga rekuti Zviko uyu – uyo atova mudzimai mukuru nekuti ava nemurume waari kugara naye – anoti akabatwa chibharo achiri mudiki nababa vake asi chokwadi chikavharwa apo akafurirwa kusungisa mumwewo murume.
Nekufamba kwenguva, anoti nyaya iyi yakazomhan’ara kumapurisa ekuWaterfalls, muguta reHarare, apo yakafumurwa kekutanga mupepanhau reKwayedza mugore ra2019.

Anoti akabatwa chibharo nababa vake asi ndokuzonyepera kuti akabhinywa nemumwewo murume ainzi Owen.
“Ndakabatwa chibharo nababa vangu vekundibereka mugore ra2008 ndiine makore 11 okuberekwa tichigara mumusha weHighfield uko baba vairoja nemudzimai wavo mudiki sezvo amai vangu vakarambwa. Baba vangu (zita tinaro (45) ndi’engineer’ paimwe kambani iri muHarare uye ndinozivisisa kuti ndivo vakandibata.

“Baba vakazoranga nedzimwe hama kuti ndisavasungise ndokuruka zano rekuti ndisungise mumwewo murume wekumusha kwedu uyo aizivikanwa nenyaya dzekubata madzimai nevana izvo ndakaita achibva asungwa ndokunofira kujeri mugore ra2013 achiri kumirira kutongwa,” anodaro Zviko.
Anoti mweya waChidhewu unouya kwaari uchitaura kuti unoda kuripwa nekuti akamusungisa asina mhosva.
“Izwi remurume uyu rinouya kwandiri richiti wakandiuraisa ndisina mhosva, saka ndinoda kuripwa newe uye kana pasina kuitwa izvozo ndichapedzerana newe. Mweya uyu wave kuita kuti ndiite munyama, pose pandinofamba ndinonzi ndakapinda Satanism, uye izvi zvinotaurwa zvakare kumaporofita kwandinoenda.”

Zviko anoti akazomhan’ara nyaya yekuti akabatwa chibharo nababa vake kumapurisa ekuWaterfalls mugore ra2019 asi hapana chaati anzwa chafamba.
“Mupurisa ari kuita nyaya iyi anongonditaurira mashoko akasiyana, akambonditi kune corona saka chimbomira tichaita nyaya yako. Ndakambonogara kuMusasa Project ndikapedza mwedzi mitatu ndiriko. Handizive kuti nyaya iyi ichiriko kumapurisa here kana kuti yakatoraswa kare,” anodaro.

Anoti nekuda kwekumhan’ara kwaakaita nyaya iyi kumapurisa, hakuna hama dzichamuda sezvo ari kuvengerwa kuti akamhan’arira baba vake.
“Bhudhi vangu chaivo vakandikandira mabhegi panze vakandidzinga kusvikira ndave kugara kuno pachechi (zita tinaro) apo pandiri kuchengeta ndiine murume wangu. Hama hadzichandida,” anodaro Zviko achiita seachadonha misodzi.

Anoenderera mberi: “Baba vangu vanoti vanozoda kuripa ngozi iyi kana kwatanga kwafa vanhu vakawanda. Ini upenyu hwangu hauna kumira zvakanaka, takaberekwa tichingova vaviri mudumbu maamai vangu. Hanzvadzi yangu anoshanda muHarare asi hapana zvaanogona kuita panyaya iyi, aita mudiki anokurirwa nevakuru.”

Zviko anoti baba naamai vake vakarambana aine makore mashanu okuberekwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.
“Mhosva hairovi, kunyange nyaya iyi yakaitika riinhi kana mudzimai uyu akamhan’ara regai tigoona kuti zvakafambiswa sei,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Baba vaZviko pavakambotaurwa navo neKwayedza mugore ra2019 vakaramba nyaya yekuti vakamubata chibharo vachiti akabatwa nemumwe murume wekumusha kwavo.

“Mwana uyu akaonekwa zviratidzo nemudzimai wemunin’ina wangu apo aigezeswa ndokuzodura kuti ainge abatwa chibharo nemurume wekufira kujeri uyo aiva wemumusha medu kumusha. Zvekuti mweya wemurume uyu uri kusvika paari uchimunetsa ndakatozozvinzwa nehanzvadzi yangu. Anonyanya kuenda kumaporofita mwana uyu, ndiko kwaanotaurirwa nhema,” vanodaro baba vaZviko ipapo.

Murume ari kugara naZviko (zita tinaro) anoti nyaya yekuti mudzimai wake akabatwa chibharo nababa vake vekumubereka akaitaurirwa.
“Mudzimai wangu akandiudza ini ndikazvitambira semunhu wandinoda. Dambudziko randiinaro nderekuti mudzimai uyu haasi kuda kuti ndione hama dzake nekuda kwenyaya iyoyi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey