Ndakatamba nenguva: Boateng

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Ndakatamba nenguva: Boateng

Kwayedza

AIMBOVE mutambi weAC Milan neTottenham, Kevin-Prince Boateng, akataura pamusoro penguva iyo akaparadza mari yake nekutenga motokari dzakawanda pamwe nekuswera ari mumabhawa nevanhu vaimunyepera kuti ishamwari dzake.Boateng, uyo ave kutambira Las Palmas yekuLa Liga, anobvuma kuti pane nguva yaaitadza kuzvibata muhupenyu hwake nekuda kwembiri nemari zvaaiwana kuburikidza nekutamba nhabvu.

Mutambi weGhana uyu akaumba zita rake muEurope panguva yaakatambira Milan yekuItaly, asi mbiri yake iyi yakazopedzisira yamupinza mukuita zvinhu zvisina pundutso.

“Kwandiri hapana chandaishaya. Zuva rega-rega unenge une mazimari akawanda zvekuti unotenga chero chawada,” akadaro Boateng.

Anoenderera mberi achiti, “Mumakore maviri, ndakaparadza mari yangu yose ndichitenga motikari, zviringazuva, shangu, ndichienda mumabhawa nemekudyira neshamwari dzainge dzisiri dzepamwoyo. Kumunhu akaita seni uyo akakurira munharaunda yekutambudzika ndisina mari, zvainge zvakashata zvikuru.”

Mutambi uyu, uyo ane makore 29 okuberekwa, anobvuma kuti akakanganisa muhupenyu hwake, asi kukanganisa uku anoti kwamubatsira kuti ave munhu akanaka pakupedzisira.

“Muhupenyu, zvakakosha chaizvo kuti uzive zvakashata. Ndinotenda zvandakakanganisa, iye zvino ndave zvandiri. Ndave kuziva zvakanaka nezvakashata, ndave kugona kuronga hupenyu hwangu,” anodaro. – Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey