Uncategorized

Ndanga ndichinodya Mai Brenda – Muroyi

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Ndanga ndichinodya Mai Brenda – Muroyi Peter akakombwa nemhomho yevanhu ari musvo

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuChiweshe, kudunhu reMashonaland Central, anonzi svondo rapera akawanikwa ari musvo mushure mekudonhedzwa nevamwe vake avo vannoti anoroya navo apo vaibhururuka nerusero vari parwendo rwekunodya mutumbi wehama yavo yavakange vaviga mazuva mashoma adarika kuMutorashanga, kuMashonaland West.

Murume uyu anonzi akaudza vagari vekuVanad, kuMutorashanga, kuti zita rake rokuberekwa anonzi Peter uye anobva kuChiweshe asi haana kuzonyatsodura pamusha pake chaipo.

Vagari venzvimbo yakaonekwa Peter ari musvo – vazhinji vacho vaiva vanhukadzi nepwere – vakaonerera firimu remahara apo vaimusveeredza, kupembera nekumutora mifananidzo.

Kanzura wekuwadhi 15 kuMutorashanga – VaSandram Kembo – vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Vanoti Peter anoti akanetsana nevamwe vake vaanoroya navo apo vaibhururuka nerusero zvikazoita kuti iye adonhedzwe pasi.

VaKembo vanoti murume uyu anoti paakazodonhedzwa, vaive parwendo rwekunodya nyama yemutumbi wehama yavo yakafa iyo yakangozivikanwa nekunzi Mai Brenda.

VaKembo vanoti panguva dzakaonekwa Peter, akanga asingatarisiki nokutyisa zvikuru sezvo nzara dzake dzinonzi dzakanga dzakarebesa pamwe chete nemuromo wake uyo wainge wakarebawo uye achivhetemesa maziso ake.

Anonzi zvakare muviri wake wakange uzere mvere kuita semhuka.

“Takangoona vana vachitiza vachichema vaona murume uyu agere pasi asina kupfeka. Vagari vemuno vakazouya vachimhanya vachida kuona mashura aya,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Murume uyu haana kunyara kutaura kuti chii chakanga chaitika sezvo akanyatsotsanangudza kuti iye akange auya nevamwe vake kuzodya mutumbi waMai Brenda avo vakange vashaika vakavigwa mazuva mashoma akange adarika kumarinda ekuVanad.

“Mai Brenda ava vaigara kunonzi kuVillage Landfall kuno kuMutorashanga kumaresettlements,” vanodaro VaKembo.

Issac Magidza – uyo anove mumwe wevagari vemunharaunda iyi – anotsinhirawo nyaya iyi achiti vanhu pavakanzwa Peter achitaura nyaya yekuti vakange vauya vaine chinangwa chokudya mutumbi waMai Brenda, vakapangana zano rekunoona paguva pemushakabvu uyu.

Zvinonzi paguva apa pakange pakacherwa-cherwa zvinoratidza kuti paive nekushereketwa kwakaitika husiku hwadarika.

Chiitiko ichi chinonzi chakazoita kuti vagari vemunharaunda iyi vaende kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Vanhu vakatombofunga kuti murume uyu akanga ari munhu ari kurwara nepfungwa asi pakazoendwa kuguva, vakaona kuti paguva apa painge pakacherwa-cherwa. Ndipo pakazonomhan’arwa nyaya iyi kumapurisa,” anodaro Magidza.

Mutauriri wemapaurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti kunyangwe zvazvo vaive vambonzwa nezvanyaya iyi, havasati vawana umboo hwakazara nezvayo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey