Ndashaya rugare nevazukuru: Gogo

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
VAZUKURU vekupomerwa kushungurudza ambuya vavo kuburikidza nekupa shamwari dzavo nzvimbo yekurima zvisina mvumo yavo pamwe nekuvaregera vachifondoka voga mumunda vachida kuzongodya chete vakamiswa mudare redzimhosva.

Matambura Gotora akaendesa Douglas Gotora naMartin Gotora kuHarare Civil Court achiti: “Ndapoterawo kuno ndichikumbira kudzivirirwa kuvazukuru vangu ava. Vakauya kwandiri vakati takura, tave kuda kuzvibikira zvinova zvisina kuipa ini ndikati hazvina kuipa.

“Chave kunetsa ndechekuti vazukuru ava vave kungouya neshamwari dzavo vodziti rimai zvisina mvumo yangu. Ini ndakasiirwa nzvimbo iyi nemurume wangu akashaya. Chinondirwadza ndechekuti havandisumewo kuti vava kupa shamwari dzavo pekurima, vanongotemerana zvisina mvumo yangu.”

Akati ave kutotya kuenda kubindu kana kutwasanudza makumbo nekuti akangodaro paanodzoka anowana vazukuru vake vabata-bata midziyo yake.

“Ndave kutotya kumbofamba-famba ndichitwasanudza makumbo kana kuenda kubindu nekuti pandinodzoka ndinowana midziyo yandakasiirwa nemurume wangu yabatwa-batwa.

“Mumwe musi ndakati ndichibva kubindu ndakasvikira mumwe wevazukuru vangu ari muimba yangu yekutandarira achibata-bata chivhitivhiti nesolar yangu,” akadaro Matambura.

Akati vazukuru vake havana rukudzo kwaari.

“Mambo wangu kuti nditi vana vevana vangu mumoyo mangu zvinondirambira. Havana kana rukudzo neni. Kumunda ndinofondoka ndega, havatombondicheuke kuti gogo vanoda rubatsiro, chavanogona kundishungurudza nekudya chete. Saka ndokumbirawo kuti dare ripe mutongo wekuti vazvibikire kwavo,” akadaro Matambura.

Douglas naMartin vakapokana nezvose zvaitaurwa vachiti havashungurudze ambuya vavo.

“Isu hatinetsane naambuya vedu. Kana tiine mari tinotovatengera doro kana vachida kunwa.

“Gogo vari kufurirwa nemumwe muzukuru wavo kuti vatiunze kuno kudare mushure mekunge tamurambidza kutengesa sitendi yaaida kutengesa,” akadaro Douglas.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Matambura gwaro redziviriro ndokuti Douglas naMartin vanofanirwa kuzvibikira nekusaparadza midziyo yaambuya vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey