Uncategorized

Ndava kufira chikwereti’

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

NYAKUKWERETESWA mari achida kuvakisa chikoro chake akazozvidemba mushure mekunge aoneswa ndondo nemunhu akamupa mari iyi uyo waanoti ari kumutyisidzira nedemo kuti kana akasamudzosera anomuuraya.Obert Kunze akaendesa Aaron Kundishora kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Mambo wangu, handisisina rugare nekuda kwemurume uyu. Anouya kumba kwangu akandibatira demo onditi, ‘Nhasi pano hapadyiwe rinopisa kusvika wandipa mari yangu’.

“Akauya ega achiti anoda kutibatsira nemari yekuvaka chikoro asi zvino ave kundivinga zuva rega-rega achiti anoda kudzorerwa mari yake,” akadaro Kunze.

Akati Kundishora akamboenda kumba kwake nesimbi achida kumurova nayo.

“Akatouya nesimbi yaaida kundiponda nayo asi haana kuzokwanisa kundirova nekuti akazobatwa nevamwe vanhu vepamba pandinogara.

Ndiri kukumbirawo kubatsirwa nekuti handichina mufaro kumaraini kwandinogara. Anonditumira vanhu achivaudza kuti murwi mukuru akandibata ari ega anondiuraya,” akadaro Kunze.

Achipawo divi rake, Kundishora akati mashoko ose aitaurwa naKunze ndeekunyepa. “Handina kumbobvira ndada kumurwisa asi kuti ndakangomubvunza kuti mari yangu achandipa rinhi.

‘‘Ari kutoda gwaro iri senzira yekundidziviridza kuti ndisamubvunze mari yangu saka ini handisi kubvumirana nechikumbiro chake,” akadaro. Mutongi Yeukai Dzuda akapa Kunze gwaro rerunyararo akati Kundishora anofanira kutora matanho ari pamutemo ekuti adzorerwe mari yake pasina bongozozo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey