‘Ndine barika, ndapera’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
‘Ndine barika, ndapera’

Kwayedza

Garnet Zvimba
MUDZIDZISI wekuita barika akamiswa pamberi pedare navahosi vake achinzi ari kupedza kutsondokota mari kupfambi. Farai Kunonga akamhan’arirwa kuHarare Civil Court nemudzimai wake, Tapiwa Matizha, achiti anoda $90 yekuchengeta mwana. “Ini chikumbiro changu kudare kuti murume uyu abatirwe mari yekurera mwana wandakazvara naye sezvo asisachachengeti mhuri. Anongomberereka nenyika kufambira pfambi dzake achindisiya pamba pevabereki vake ini ndichitambura nemwana ndoga asi baba vake vari mudzidzisi,” akadaro.
Matizha akati iye ari kuenda kuchikoro nekudaro kuchengeta mwana ari oga kunomukunda.

“Ndinotoriwo mwana wechikoro paZimbabwe Open University nekudaro hapana kwandinowana mari nekuti ini ndinotodawo mari yechikoro. Chikafu chaicho haachambotengi, ndinotochengetwa nevabereki vake. Zvino mwana otambura here baba vake vari vapenyu?”

Achipawo divi rake, Kunonga akati ane zvinhu zvakamumomotera zvinoda mari kubva kwaari zvekuti anosara asisina kana kobiri. “Mari inotaurwa nemukadzi uyu handiikwanisi sezvo yandinohora iri shoma. Ndakatora chikwereti kubhanga ndichida kutanga purojekiti yangu inova isina kuzobudirira,” akadaro.

Kunonga akati semunhu ane barika anofanira kuti agovanise mhuri mbiri idzi zvakakwanirana.
“Ndine mumwe mukadzi anogara kuBindura ane vana vaviri saka kunotodawo mari zvakare, kunova kwandinenge ndiri paanenge asingandione kumba kwete kuti ndiri kutevedza pfambi,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Kunonga abhadhare $45 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey