Ndini ndine simba: Sabhuku

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Ndini ndine simba: Sabhuku

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

SABHUKU wekuendeswa kudare nemuramu wake — mudzimai wemun’ina — achinzi ari kumushungurudza nekumudzinga pamusha pake, akazodya magaka mabhishi achiti ane simba rekutonga mudunhu rake uye kudzivirira ngozi mumusha.

Emma Marimo ndiye ainge amhan’arira Elias Chiringa kuHarare Civil Court.

“Mambo wangu, ava ndibabamukuru vangu vanova zvakare sabhuku, asi vakandidzinga pamusha wangu mushure mekunge vaziva kuti murume wangu ava nemumwe mudzimai waari kufambidzana naye. Vakapaza magonhi ndokututa midziyo yangu yose kuendesa kumusha kuna baba vangu. Zvose izvi murume wangu aivepo asi haana chimwe chete chaakataura kana kuita hake,” anodaro.

Achipawo divi rake, Chiringa anoti anopokana nechikumbiro chaMarimo.

“Ini handione kuti zvandakaita kushungurudza munhu nekuti ndini baba mumusha uye ibasa rangu kudzivirira musha wangu nekuti ndini musarapavana. Aida kupisira munin’ina wangu mumba nekuzviuraya uye midziyo yaari kureva akabva nayo kune mumwe murume kwaaive akamboroorwa. Patsika yedu yechivanhu ingozi mumusha,” anodaro Chiringa.

Anoti sasabhuku, akapihwa simba neHurumende rekuti atonge nyaya nenzira yaakaita.

“Ndini sabhuku wedunhu saka muri kuti handiro basa rangu here rekutonga nyaya? Ndakatogona zvandakaita izvozvo, dare rinotangira kumusha kwete kuno. Tisu tinotonga nyaya.

“Handingatendere matope mumusha mangu uye ndini sarapavana saka basa rangu kudzivirira mhuri kungozi nekuti uyu mutorwa akafa nhumbi tinadzo ingozi,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Marimo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey