Uncategorized

Ndinobira shoroma chete — pfambi

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Muhamed Komboni
MUSIKANA anoita basa rekutengesa muviri wake parimwe bhawa riri maMutare akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi mushure mekunge aba mazakwatira emari yeimwe shoroma yaakanga atenderana nayo kuti vapedze husiku hwose vachisasana.

Talent Mushipe (21) anobvuma mhosva iyi paanomiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrate Court.

Muchuchisi Perseverance Masukuto anoudza dare iri kuti nemusi wa26 Ndira gore rino, Mushipe akatora $2 020 yaKudakwashe Dema uyo waakange awirirana naye kuti vapedze husiku hwose vachisasana vari kumba kwemusungwa.

“Mushipe akafumomuka mashambanzou ndokutora mari yaDema inokwana $2 020 yakanga iri muchikabudura chake ndokubva atiza achisiya Dema arere mumba umu.

“Dema akazomuka zuva rati kwirei ndokuona kuti Mushipe akanga asimo mumba asi akafunga kuti akanga aenda kuchimbuzi,” anodaro muchuchisi Masukuto.

Dema akazorohwa nehana paakaona kuti mari yake yaakanga akaisa muchikabudura makanga musisina apo aida kunotsvaga zvokudya sezvo akanga on’en’enwa nenzara.

Izvi zvakaita kuti Dema ambobatwa nechadzimira kwekanguva, ndokuzofunga zvekutsvaga kwakanga kwaenda naMushipe paakati bengenu.

Muchuchisi Masukuto anoti Dema akabva akanda tsoka akananga kuLegends Night Club achitsvaga Mushipe nemeso matsvuku uye akakwanisa kumuwana ndokumuendesa kumapurisa epaChikanga zvikazoita kuti asungwe.

Achipawo divi rake mudare, Mushipe anoti akatora mari yaDema sezvo aida kuriritira mhuri yake.

“Mambo wangu, ndinoita zvechipfambi pabhawa rataurwa iri. Ndiyo tsika yangu yekutora mari dzeshoroma dzinenge dzichida kusasana neni ndobva ndatiza.

“Mari yemurume uyu ndakaitora nekuti ndaida kubatsirikanawo, ndaida kuchengeta mwana wangu naamai vangu. Ndakaishandisa kutenga zvokudya sezvo upenyu hwandiomera,” anodaro Mushipe.

Mutongi Gumbo anoyambira Mushipe kuti asiyane netsika yekuba uyezve ashande nesimba kuti akwanise kuchengeta mhuri yake.

Mushipe akatongerwa kupika mwedzi gumi. Pamwedzi gumi iyi, mitatu yakasendekwa padivi sezvo Mushipe akayambirwa kuti haafanire kupara mhosva yakafanana yeiyi kwemwedzi mitatu inotevera.

Mimwe mwedzi mitatu, Mushipe akanzi abhadhare Dema mari yake $2 020 nekudaro achagara mujeri kwemwedzi mina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey