‘Ndinoda kuziva kuna baba vangu’

24 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
‘Ndinoda kuziva kuna baba vangu’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

IMWE chembere yakagunun’una mudare reHarare Civil Court ichiti mwanakomana wayo ari kuishungurudza achiti anoda kuziva kuna baba vake kunyangwe zvazvo vachigara vose nababa vacho pamba pamwe chete.

Ever Murungu anoti Takesure Murungu anogara achimutuka kuti haasi amai vake asi ari iye nyakumutumbura.

“Ndaneta kutukwa nemwana uyu kuti handisi mai vake uye ndinofanira kumuratidza kuna baba vake asi tichigara navo baba vacho, handizivi kuti anoda kuziva vamwe baba vapi,” anodaro.

Ever anoenderera mberi achiti: “Kutaura kuno akatora magwaro emba kuti agochinjisa mazita oisa muzita rake akwanise kugara nemudzimai wake. Mumwe musi akada kutema baba vake nedemo ndikazopindira.”

Achipawo divi rake, Takesure anoti zvese zvataurwa manyepo.

“Dambudziko riripo nderekuti amai vangu vane hanganwa dzisingaiti, vakahwandisa chinhu havazozivi pavanenge vaisa vopedzisira vakundipomera,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakarasa chikumbiro chaEver vachiti haana kukwanisa kupa umboo hwakakwana hunotsigira zvese zvaakatsanangura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey