‘Ndinokwaturirwa kubasa nemukadzi’

25 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Kudakwashe Chinokuya
MURUME wekugara achizvambaradzwa neaimbova mukadzi wake, kunyangwe pamberi pevakuru vake kubasa nevamwe vaanoshanda navo, akatozopotera kudare. Liberty Matsimbe akamha’arira Jennifer Tambu kuHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu nekurohwa nemukadzi uyu.

“Changamire, mushure mekunge taparadzana nemudzimai uyu, anouya kumba kwangu nekubasa achindishungurudza.
‘‘Ndinoda kuti mundibatsirewo kuti asauya kubasa kwangu nekuti ndava kutotya kuti ndinogona kudzingwa basa pari ipo zvakare panondipa raramo.

“Kana dziri nyaya dzedu tiri vaviri ndinoda kuti titaurirane mune zvakanaka kwete kuti agare achindirwisa pazere vanhu,” akadaro Matsimbe.
Akati nguva yadarika akarohwa pamberi pevakuru vake vekubasa pamwe nevamwe vaanoshanda navo.

“Mwedzi mitatu yapfuura, akauya pabasa pangu akandirova ndakanyara zvekuti pamberi peshamwari dzangu nevaRungu. Anogara achitaura neshamwari dzangu parunhare zvakashata pamusoro pangu zvinova zvava kundishaisa mufaro.

‘‘Ndinoda kuti dare riite kuti asauya kubasa kwangu uye asataure neshamwari dzangu,” akadaro Matsimbe.
Matsimbe akaenderera mberi achiti vakanga vasina kurambana zviri pamutemo naTambu.

“Mukadzi uyu ndakamuroora pamutemo wechivanhu. Kurambana kwandiri kutaura ndekwekuti iye neni pari zvino hatichagara tose asi gupuro handisati ndamupa.”

Tambu akaudza dare kuti zvaitaurwa naMatsimbe zvaitomushamisa nekuti havana kurambana.
“Zvekuti takarambana ndiri kutotanga kuzvinzwira muno mudare. Chandinoziva ndechekuti tava nenguva yakareba tisingataure tose.
‘‘Chandakaendera kubasa kwake inhau yemari yekuti ndichengete mwana chete, handina kumbomushungurudza,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Matsimbe gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vaifanira kurambana zviri pamutemo sekuroorana kwavakaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey