Uncategorized

‘Ndinongoda murume bedzi’

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI anogara mumusha weBudiriro 5, muguta reHarare, akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati haana basa nekubuda kwakaita murume wake mumba achinogara nemumwe mukadzi asi chikuru chaanoda iye kupihwa bonde bedzi.

Gracious Chimandi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arirwa naMartha Chinoda anove mudzimai wechipiri wemurume wake uyo aida gwaro rerunyararo.

Chinoda anoti Chimandi ane tsika yekubhadhara vanhu vanoenda kumba kwake vachinomurwisa nekumutuka nezvinyadzi.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chinoda gwaro rinomuchengetedza.

“Ini ndiri mudzimai wechipiri wemurume wamai ava, asi ndashaiwa rugare nekuda kwavo sezvo vachindirova nekundituka. Saka ndinokumbira dare rindibatsire, zvekare vanonditumira vanhu kuti vandirwise zvekuti ndava kutya kufamba mumugwagwa chaimo,” anodaro Chinoda.

Chimandi anopokana nechikumbiro chaChinoda achiti murume wake haana kuroora mumwe mudzimai uye anogara oga.

“Murume wangu akabuda mumba asi akandiudza kuti haaroore zvakare uye kana andisuwa anouya kuzonditora toenda kumba kwake kunoita bonde. Saka handifanire kurambidzwa kusvika pamba paanogara nekuti achiri kundida uye kuramba achisangana neni pabonde ndozvakakosha muwanano,” anodaro Chimandi.

Mutongi Miti akakurudzira Chimandi kuti atsvage rubatsiro uye afungisise nezveupenyu hwake nekuti wanano haisi bonde chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey