Uncategorized

‘Ndinorohwa zvekusara ndava rengenya’

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MUKADZI wekuti anogara achirohwa nemurume wake zvekusara ave kunge rengenya akazopotera kudare aona kuti zvanyanya.

Elizabeth Mago akamhan’arira Shonhayi Mago kuHarare Civil Court achiti ashaiswa rugare. “Changamire, ndinokumbirawo kudzivirirwa nekukasika kubva kuna baba ava nekuti ndinogara navo vachindishungurudza nguva dzose. Ndinorohwa zvekuti ndinosara ndiri rengenya, kutukirirwa uye kungondiitira chero zvavanenge vafunga,” akadaro Elizabeth.

“Ndikavabvunza kuti chinenge chavanonotsa kumba vanotanga kundirwisa uye vanondimanikidza bonde. Ndakatomboenda kwachiremba akandirapa kurova kwavakandiita zvekutoti ndine tsamba yavakanyora inogona kupupura zvandiri kutaura.”

Shonhayi akaudza dare kuti akashamisika paakaona masamanisi ekuti anodiwa kudare nekuda kwenyaya iyi achiti zvinhu zvakaitika gore rakapera.

“Ndauya kuno kuremekedza dare rino. Asi kutaura chokwadi ndakanetseka nenyaya yandiri kupomerwa chikonzero chiri chekuti zvinhu izvi ‘chimunya chaicho’. Zvakaitika gore rakapera tikagadzirisana zvekutoti iye zvino tinotogara pamba pamwe chete asi magariro acho ndeekumirira kuti tigurise muchato zviri pamutemo,” akadaro Shonhayi.

“Maonero angu amai ava vava kurwadziwa kuti ndichiri ndakangosimba nemashoko angu ekuti handichavadi, vava kuunza nyaya yekare kuno. Hapana runyararo rwunodarika kuziva kuti ndakachata saka kana ndoda kusiyana nemukadzi ndoenda kudare kunochekesa muchato togovana zvatinazvo zvakaenzana.

“Handivarove, kutuka kana kuvatyisidzira nekuti kana kurara torara pakasiyana, ndinozviwachira, kubika zvose zvandingaitirwa nemudzimai pari zvino ndiri kuita ndoga murunyararo,” akadaro Shonhayi.

Mutongi Barbra Mateko akati vaviri ava vazodzoke kudare zvakare kuzonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey