Uncategorized

‘Ndinoyamwisa nyoka dzashefu’

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Ndinoyamwisa  nyoka  dzashefu’

Kwayedza

‘. . . dzimwe dzichindinanzva’

MUKADZI wechidiki wekuMasvingo anoti ashungurudzwa nenyoka “dzashefu” vaaimboshandira idzo dzaanoti dzinomuyamwa nekumunanzva muviri wose.Varaidzo Runyanga (20) pari zvino akatotiza kumusha kwake kwaMagadzire, kwaGutu, achinopotera kuChitungwiza nekuda kwedambudziko raanoti rakatanga apo aishandira imwe mhuri yekuGweru iyo yaimurambidza kuvhura imwe imba yepo.

Runyanga anoti ave nenguva inodarika gore izvi zvichiitika.

“Dambudziko rekuyamwiwa nenyoka dzakawanda rakatanga apo ndaishanda kuGweru. Pandakapinda basa, ndakaratidzwa imwe imba yainzi haifanirwe kuvhurwa kunyangwe nani, izvo ndaitevedzera. Ndakanzi ndikaivhura ndaizosangana nazvo.

“Nekufamba kwenguva, panguva yekunge ndave kuda kunorara ndakazoona ndava kuvingwa nenyoka dzaindimonera dzichindiyamwa nekundinanzva pamadiro ini ndakasvinura,” anodaro.

Anoti nyoka idzi anodziona dzichiuya uye anoti dzakakura zvikuru.

“Ndinonzwa kutya kukuru asi hapana zvandingaita sezvo nyoka idzi dzichindimonerera dzotanga kundinanzva kusanganisira kumuromo sedziri kunditsvoda, mumusoro, kumeso, mazamu, padumbu, kumusana, kumagadziko nekusikarudzi,” anodaro Runyanga.

Anoti nyoka idzi dzinozongotsakatika kana dzichinge dzapedza naye — kwechinguva ichocho — obva abatwa nemadzikirira ehope. Pakuzopepuka, anoti muviri wake wose unenge wakatota.

Herny Man’oro

Herny Man’oro

“Pazvakatanga ndakaedza kutaurira vandaishandira asi hazvina kubatsira. Rimwe zuva husiku, vakazonditakura kuenda neni kuchechi kwavo uko vakanondisiya pakati pesango pane vanhu vainwa zvinhu zvaiita sedoro remumabhodhoro dzvuku kana kuti ropa.

“Vakandisiya nevanhu vandaisanzwisisa hunhu hwavo ava, vamwe vaitaura nemasaini vaine zviso zvaisanduka. Vakadzokera kumba vachiti vaida kunondivigira kudya asi vakabva vaenda zvachose,” anodaro Runyanga.

Anoti panzvimbo iyi paive nemota dzainge dzisina manhambapureti uye varume nevakadzi vaityisa kutarisa zviso zvavo avo vaingomonya miromo, kumeso kwavo kuchiita sekunofamba zvinhu.

“Vandaishandira vakadzokera kumba vachiti vaida kunondivigira zvekudya nekunotora mafoni avo asi havana kuzodzoka. Mumwe mukomana ainwawo doro kana kuti rainge ropa iri, uyo akati anobva kuBirchenough, akaburuka mukombi yaivapo akandibvunza kuti bhegi rangu rembatya raiva kupi apo ndakamuti rakanga rasara kumba,” anodaro Runyanga.

Anoti mukomana uyu akazomuudza kuti iye Runyanga nevamwe vasikana vatatu vaivepo vaida kuuraiwa mushure mekunge vatanga vadhakiswa nedoro nekunwiswa chinwiwa chainge ropa.

Runyanga anoti mukomana uyu akamuti vatize achiti vanhu vaaishandira nevamwe vaivepo musi uyu chikwata cheSatanists. Anotizve panguva iyi chikwata chevanhu ava chakatanga kuridza mimhanzi isingazivikanwe chirudzi chaiimbwa vachitamba.

“Mukomana uyu akazonditi nevamwe vasikana vatatu vaye tibude mukati mevanhu umu takatevedzana izvo takaita takananga kusango. Vanhu vaivepo havana kutiona tichibva sezvo hwaiva husiku, kuma8 kana 9.

“Asi ndakazoshamiswa kuona mukomana uyu ava kunditambidza bhegi rangu rembatya randaiva ndasiya kumba ndikatadza kuziva kuti akanga anoritora sei kumba kwaaisaziva uye akanga asina kumbobvira akabva pataiva apa.”

Anotizve mukomana uyu akazovasiya panzvimbo yaiva nenjanji paiva nebooster padyo nemugwagwa wetara padyo nedhorobha reGweru.

Runyanga akazotakurwa neimwe motokari kuenda kuMasvingo ndokuzodarikira kwaGutu kumusha kwavo.

Anoti akanga angoshanda mazuva manomwe chete kumba kwemhuri iyi iyo yaasina kuonekana nayo.

“Ndakanoudza hama dzangu kumusha naamai ndichivatsanangura chiitiko ichi nekutiwo ndinogara ndichinanzviwa nekuyamwiwa nenyoka asi hapana rubatsiro rwandakawana,” anodaro.

Anoti dambudziko rekunanzvwa nekuyamwiwa nenyoka iri riri kungoitika nanhasu uno.

“Kuchema handigone kana nyoka idzi dzasvika. Ndinoda kubatsirwa ndatambura.”

VaHerny Man’oro, avo vanoitwa sekuru naRunyanga, ndivo vari kugara naye kuChitungwiza uye vanoti vanoda kuti muzukuru wavo abatsirwe.

“Muzukuru wangu uyu haarare, anenge achingovhumuka nekuchema achiti ari kuona nyoka. Paanotaura kuti anoyamwiwa nekunanzvwa nenyoka, ini handizvione. Iye bedzi ndiye anozviona. Ndinoda kuti abatsirwe,” vanodaro VaMan’oro.

Pari zvino Runyanga ari kushandirwa kuimwe chechi iri muHarare.

Zvakadaro, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti nyoka dzinoonekwa naRunyanga mishonga yakaipa inoshandiswa nevaroyi kana kuti madumwa anoshandiswa kushereketa naye.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey