Uncategorized

‘Ndinoyamwiwa nenyoka’

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Ndinoyamwiwa nenyoka’ Norman Chiramba (kuruboshwe) achidhonza mukadzi wake, Rosemary Chihwereva, apo aida kuzvikanda mumugwagwa kuti atsikwe nemotokari. — Mufananidzo: Shelton muchena

Kwayedza

Norman Chiramba (kuruboshwe) achidhonza mukadzi wake, Rosemary Chihwereva, apo aida kuzvikanda mumugwagwa kuti atsikwe nemotokari. — Mufananidzo: Shelton muchena

Norman Chiramba (kuruboshwe) achidhonza mukadzi wake, Rosemary Chihwereva, apo aida kuzvikanda mumugwagwa kuti atsikwe nemotokari. — Mufananidzo: Shelton muchena

MUDZIMAI akaroorwa wemubhuku raHuchu, kwaMambo Njelele, kuGokwe, ari kudemba achiti ari kugara achiitwa mukadzi nezvidhoma izvo zvaanoti zvinomuyamwa nekushereketa naye pamadiro. Pamwe pacho anoti anoyamwiwa nenyoka.Mai Rosemary Chihwerewa (30), avo vanova mudzimai waVaNorman Chiramba, vakawanikwa neKwayedza svondo rapera vari padivi pemugwagwa unobva kuGokwe Centre uchienda kuBinga apo vaikakaritsana nemurume wavo nekuda kwenyaya iyi.

Panguva iyi, mudzimai uyu aiti anoda kumbodzokera kuvabereki vake kuChegutu kuti ambonozorora nekuzivisa hama dzake matambudziko aakatarisana nawo.

“Murume wangu ini ndaneta! Ndinoda kumboenda kumba kwedu usare zvako nemusha wako nekuti ndanzwa nekuitwa mukadzi nekubobodzwa nezvinhu zvehama dzako. Handina zororo, ndakatadzeiko panyika pano? Ndinoshinhwa neni nezvinhu zvekumba kwevanhu ava!” akadaro mukadzi uyu achishevedzera.

Chihwerewa anoti akafirwa nevana uye ane fungidziro huru yekuti ndufu idzi dzakakonzerwa nezvidhoma izvi.

“Uyu murume wangu, asi haazive kuti hama dzake dzakaipa. Dzinoita sedzinomuda dzichida kundiuraya. Vakauraya vana vangu vakadya nyama, manje ini havandigone.

“Ndikataura vanonditi ndinopenga kuti ndinyarare. Zvino iye murume wangu ndiye asara.”

Chihwerewa akaedza kuzvikanda kumotokari yaidarika achiti zviri nani kufa zvake pane kugara upenyu hwekuitwa mukadzi nezvidhoma.

“Regai zvangu ndizvikande mumugwagwa nditsikwe musare mugarike. Vanhu kuda kuita mari neni vachindishandisa nevana vangu? Iye murume wangu haazvizive kuti tinoshandiswa? Zvino ini regai ndizvifumure,” akadaro.

Mukadzi uyu paakazotanga kutorwa mifananidzo neKwayedza, akati hatombokendenga nekuti anoda kuti zviri kuitika kwaari zvifumurwe.

“Torai zvenyu mifananidzo yacho. Asi murege kuzotaura kuti ndinopenga nekuti nyaya yekutambudzwa kwangu nezvidhoma nezvikwambo ndichiitwa mukadzi nekunanzvwa nenyoka yanditambudza.

“Ndakavinga murume uyu kubva kuMberengwa kwete zvidhoma,” akadaro Chihwerewa.

Anotiwo akatemerwa nyora kumusana dzekuroya nehama dzemurume wake.

“Ndakatemerwa nyora kuti ndiroye mumusha make murume uyu. Handizive kuti vanoda kuti ndiite sei, regai ndimboenda kumusha kwangu.”

Chiramba, uyo airambidza mudzimai wake kukwira mabhazi nemakombi kuti aende kuChegutu, anoti Chihwerewa ava nenguva achiti ari kuitwa mukadzi nezvidhoma kana zvikwambo.

“Kumashure kwose uku mukadzi wangu aisambodaro, ava nemazuva matatu achitaura nyaya iyi. Anopomera hama dzangu nyaya dzakawanda dziri kumutambudza idzi.

“Handina zvimwe zvandichakwanisa kuita kunze kwekumboenda navo kumusha kwavo, kana kuChegutu ikoko ndinotaura nevabereki vavo nehanzvadzi dzavo nekuti zvimwe zvacho zvave kutaurwa handizvigone,” akadaro.

Chiramba anotsinhira nyaya yekuti vane mwana akafa zvisina tsarukano uye pane fungidziro yekuti anogona kunge akaroyiwa.

Murume uyu anoti vabereki vake havana rubatsiro rwavari kumupa nekuda kwedambudziko renyaya dziri kutaurwa nemudzimai wake.

“Baba vangu, VaBlasswell Chiramba, vose naamai havasi kundibatsira padambudziko remukadzi wangu. Saka ndafunga zvekuenda naye kuhama dzake,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey